Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC T neMDC Renewal Team Dzinonyoresa Kupinda Musarudzo Dzakazvimirira


Sarudzo dze by-election dzichaitwa muna CHIKUMI
Sarudzo dze by-election dzichaitwa muna CHIKUMI

Vanhu vanyoresa kuti vakwikwidze musarudzo dze by-elections dzichaitwa musi wa 10 Chikumi muHarare umo mune zvigaro zvitanhatu, muBulawayo, umo mune zvigaro zvishanu, kwaMutare kune chigaro chimwe chete, kuTsholotsho, Kwekwe nekuHwedza.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwanhengo dzeMDC Renewal Team muparamende, pamwe nekushaya kwenhengo yeZanu PF yaimirira Hwedza muparamende.

Vanyoresa muHarare vanosanganisira VaPsychology Maziwisa veZanu PF (Highfields), VaDonald Chirunga veMDC Renewal Team (Glen View South), Amai Omega Hungwe, veZanu PF (Dzivaresekwa) nevamwe.

Asi dare remuHarare rambomira kupeta hurongwa hwaro sezvo zvinhu zvichinzi zvanga zvisina kurongeka mu Zanu PF.

Dzimwe nhengo dzeMDC Renewal Team neMDC T dzinonzi dzapikisana nechisungo chekusapinda musarudzo kusvika zvinhu zvagadziriswa, mushure mekunge dzanyoresa kuti dzipinde musarudzo dze by-elections musi wa 10 Chikumi dzakazvimirira.

Vabuda pachena pari zvino kuti vanyoresa kupinda musarudzo idzi ndaVaNjabuliso Mguni veMDC T avo vachakwikwidza muLobengula muBulawayo, pamwe naVaAlbert Mhlanga, avo vachakwikwidza vakazvimirira musarudzo dzekutsvaga vachamirira Pumula, inowe yavaimirira vasati vadzingwa muparamende.

VaMhlanga vanoti vatora danho iri sezvo vasingawirirane nepfungwa yekungopa Zanu PF zvigaro muBulawayo, uyewo vateerera zvido zvevanhu vakavasarudza pakutanga.

Vanoti zviri kubato ravo kuvadzinga kana kuvachengeta mushure medanho ravatora iri, asi vanoti kuve mune zvematongerwo enyika harisi basa asi kuti kungozvipira kwemunhu kubatsira nyika, saka vanotambira kana bato ravo rakafunga kuvadzinga.

Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti vachagara pasi kuti vaone kana paine matanho ekutorera nhengo dzichapinda musarudzo dzakazvimirira idzi.

Vanoti mushure mekuita izvi ndipo pavanozokwanisa kupa mhinduro inoenderana nenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG