Bato idzva rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti riri kupinda kekutanga musarudzo parichapinda musarudzo dzemakanzuru mudunhu reChipinge West nemusi weChishanu 27 Kukadzi, kunyange hazvo riine zvinyunyuto pamusoro pemabatirwo arinoti ari kuitwa zvinhu neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.
ZEC ndiro sangano rinoona nezvesarudzo munyika. Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanoti bato ravo richakwikwidza musarudzo dze by-election dzekuWard 1 kuChipinge West richimirirwa naVaChimana Muchinawo.
VaNgarivhume vanoti vakanga vakumbira kuti vapiwe gwaro revavhoti kuChipinge kwakare, asi ZEC yakavapa gwaro revoters’ roll rakashandiswa musarudzo dza2013.
Bato iri rinoti ZEC haisati yaripawo magwaro evavhoti mumatunhu eMt. Darwin West neChirumhanzu-Zibagwe, uko kuchaitwawo sarudzo dzeby-election mwedzi unouya.
Vamwe vachapinda musarudzo dzekanzuru kuChipinge West vakamirira bato reZanu PF ndaVaSamuel Manyange, VaMunyaradzi Mazunze vachange vakamirira rimwe bato idzva reNCA kuchitiwo VaSamuel Masaiti vachakwikwidza vakazvimirira.
Sarudzo idzi dzichange dzichitsvaga munhu achatora chigaro chakasiiwa naVaAlbert Muzimba veZanu PF avo vakashaya gore rapera.
VaNgarivhume vanoti vane chivimbo chekuti bato ravo ndiro richakunda musarudzo idzi sezvo rakakwanisa kuwaridza hwaro hwakasimba mukutsvaga rutsigiro.
Vanotiwo zvavachabuda nazvo musarudzo idzi ndizvo zvichave munongedzo kune mabatiro avachaita musarudzo dza2018.