Accessibility links

Breaking News

Professor Madhuku Vanoti Amai Mujuru Havafanirwe Kuve Nhengo yeParamende


Vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru
Vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, uye vachidzidzisa zvemutemo paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanoti vanobvumirana neongororo yebepanhau reThe Herald, yekuti vaive mutevedzeri mutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, havachakwanisi kuramba vari mumiriri weMt Darwin West.

Professor Madhuku vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo idzva risinganyatsojekesa mune zvimwe zvikamu zvemitemo, Amai Mujuru vanofanirwa kuchisarudza zvavanoda pakati pekuti vaende pamudyandigere vachitambira mari yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, kana kuita nhengo yeparamende.

Vanotiwo Zanu PF yaitotyora bumbiro remitemo kuti vabate zvigaro zviviri kubva pavakatora mhiko yekuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika pakaumbwa hurumende gore rapera.

Bepanhau reThe Herald rinoti pasi pechikamu 129 chebumbiro remitemo, mutemo unoti kana munhu anenge ari nhengo yeparamende akadomwa kuve mutungamiri kana mutevedzeri wemutungamiri wenyika, chigaro chake chinenge chisisina munhu.

Professor Madhuku vanoti izvi zvinoreva kuti kutambira kwakaita Amai Mujuru chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika kwairevawo kuti Mt. Darwin West yakanga isisina mumiriri mudare reparamende.

Chikamu 103 chebumbiro remitemo chinotiwo mutungamiri wenyika, mutevedzeri wake kanawo vakambobata zvigaro izvi havafanirwi kutora chimwe chigaro kana kupinda rimwe basa kana vachinge vasiya basa.

VaMadhuku vanoti izvi zvinorevawo zvakare kuti Amai Mujuru havakwanisi kuramba vachizviti inhengo yeparamende, kunze kwekunge vasisatambire mari yemudyandigere.

Professor Madhuku vanoti Amai Mujuru vanogonawo zvavo kushandisa kusajeka kwebumbiro remitemo mukupikisa nyaya iyi kumatare, uye zvinenge zvave kune mutongi anenge achibata nyaya yavo kuti anoona sei zvikamu zvemitemo izvi.

Hurukuro naProfessor Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG