Accessibility links

Breaking News

Maonero Osiyana paMashoko aVaMugabe Anoti Hupfumi Huchasimuka


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakavimbisa kuti hupfumi hwenyika hwagadzirira kusimuka kuburikidza nechirongwa cheZIM-ASSET.

Vachitaura muparamende pachirongwa cheState of The Nation nemusi weChipiri, VaMugabe vakati hurumende yavo yakabuda nezviga gumi zvaichatevera mukusimudzira kwayo hupfumi hwenyika, uye kukwezva vekunze pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti vasime mari dzavo munyika.

Vakatiwo hurumende yavo iri kuita hurongwa hwekuti itange kudyidzana zvakare nenyika dzekunze, kusanganisira dzekumawirira.

Asi mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti hapana zvitsva pamashoko aVaMugabe aya, sezvo zvinhu zviri kuramba zvichienda kumawere munyaya dzeupfumi.

Vanotiwo VaMugabe vanofanirwa kutanga nekuvandudza mitemo iri kutyisidzira vekunze kuti vatadze kusima mari dzavo munyika.

Asi nhengo yeZanu PF, uye vachiongororora zvematongerwo enyika, VaGoodson Nguni,vanoti hurumende yeZanu PF yagara itori kuita hurukuro nevekunze kuti Zimbabwe itange kudyidzana zvakare nenyika dzekunze.

VaNguni vanoti izvi zvakaonekwa kana munguva yehurumende yemubatanidzwa apo pakaumbwa komiti yemakurukota yaiita hurukuro nenyika dzekumawirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG