Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora VaChinamasa Pamusoro peBhonasi reVashandi veHurumende


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kupesana kwemashoko kwave kubuda muhurumende pamusoro penyaya yebhonasi yevashandi vehurumende kunoratidza kusabatana pamwe kuri kuitwa nevatungamiri.

Mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe, neMugovera vakaramba mashoko akaziviswa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, ekuti hurumende yambomira kupa vashandi vayo mari dzemabhonasi kwemakore maviri, sezvo isina mari.

Asi VaMugabe vakazivisa mhomho yevanhu vakaenda kumhemberero dzekuwana kuzvitonga kuzere kuti hurongwa uhwu hwakanga hwaitwa zvisina ruzivo rwavo nevatevedzeri vavo vaviri vanoti, VaEmmerson Mnangagwa naVaPhelekezela Mphoko, kanawo dare remakurukota.

VaMugabe vakati danho iri richaraswa, vashandi vopiwa mari dzavo dzemabhonasi semakore ose adarika.

Svondo rapera VaChinamasa, vakatsigirwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pamwe nemutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakati nekuda kwekuoma kwezvinhu, hurumende yaronga kumisa mabhonasi kubva gore rino kusvika muna 2017.

Mashoko aya akatambirwa zvakasiyana-siyana nevana veZimbabwe, vamwe vachiti idanho rakanaka chose, asi vamwe, zvikuru masangano evashandi vehurumende, vakatambira mashoko aya nekutsamwa kukuru.

Hurumende iri kutatarika sezvo iri kutadza kuwana mari inoikwanira kubhadhara vashandi vayo, avo vanonzi vakawandisa zvakapetwa kaviri.

Masangano anosanganisira International Monetary Fund, neWorld Bank, akakurudzirawo hurumende kuti imise vamwe vashandi vayo mabasa senzira yekumutsiridza upfumi hwenyika, asi hapana zvati zvaitwa nehurumende.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti kupesana kwemashoko uku hakushamisi sezvo VaMugabe vagara vachizviita kana vachida kufadza vanhu, zvikuru pakaunganwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG