Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeMPOI neAfrobarometer Yekuti VaMugabe Vanodiwa Zvakanyanya Yokonzera Mutauro


Afrobarometer
Afrobarometer

Zvakabuda mutsvakurudzo yakaitwa nesangano remuZimbabwe reMass Public Opinion Institute (MPOI) richishanda nesangano rekuSouth Africa reAfrobarometer, zvekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiri pamberi muruvimbo vachienzaniswa nevanhu pamwe nemasangano, yakonzera mutauro munyika pamwwe nekunze kwenyika.

Tsvakurudzo iyi yakaburitsa kuti VaMugabe, kunyange hazvo vari kunzi vatadza kutonga nyika, zvikamu makumi matanhatu nezvitatu kubva muzana zvevanhu chiuru nemazana maviri vakabvunzwa vakati mutungamiri wenyika vachiri pamberi mukudiwa nevanhu, kudarika vemapato anopikisa ayo akawana zvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana.

VaMugabe vanonzi vakawana zvikamu makumi manomwe kubva muzana kumaruwa, zvichienzaniswa nezvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana mumaguta.

Mamwe mapoka anonzi aitariswawo mbiri yawo anosanganisira mapurisa, mauto, Zimbabwe Electoral Commission, Zimra, mapato anopikisa, paramende pamwe nemakanzuru emaguta nemaruwa.

Mapato anopikisa anonzi akawana zvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana, pasi pedzisvondo pamwe nevatungamiri wedzisvondo idzi, avo vanonzi vakaiswa pachinhambo chepiri vachitevera VaMugabe.

Chipangamazano munyaya dzekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaGoodson Nguni, vanoti vanotambira nemaoko maviri zvakaburwa neongororo iyi, sezvo iri kutsinhira zvakataurwa nevana veZimbabwe pavakavhota musarudzo dza2013, zvekuti vane chivimbo naVaMugabe.

VaNguni vanotiwo kunyange hazvo vasingawirirane nezvizhinji zvinomirirwa nesangano reMPOI sezvo rakaumbwa nemunhu aipikisana naVaMugabe, muchakabvu Masipula Sithole, apa sangano iri rakabaya dede nemukanwa zvekuti masangano anopikisa akaita seMDC anofanirwa kuteerera zvakasimba tsvakurudzo iyi.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira uye vakamboshandawo nesangano reMPOI, VaCharles Mangongera, vanoti ongororo iyi haiburitsi pachena zvido zvevana veZimbabwe vose, sezvo vamwe, zvikuru vari kumaruwa, vachitya kubuda pavamire munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMangongera vanoti zvakakoshawo zvikuru kuti vanhu munyika vatange kutambira zvinobuda mutsvakurudzo dzakadai, sezvo kune dzimwe zvichitorwa nehudzamu zvekuti zvinotogona kushandiswa mukuita zvirongwa zvinoumba nyika kana mapato ezvematongerwo enyika.

Vanotiwo mapato anopikisa anofanirwa kutambira ongororo dzakadai dzinoaisa kumushure, kuitira kuti akwanise kutsvaga kuti ndepapi chaipo paari kurasika.

Mukuru wezveongororo musangano reMass Public Opinion Institute, VaStephen Ndoma, vanoti sangano ravo riri kumira neongorora yaro yarakaita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG