Accessibility links

Breaking News

Mushandi Anourayiwa neMuchetura kuMugodhi weShamva Gold Mine


Vashandi vakawanda vanorasikirwa nehupenyu hwavo vari pasi pemugodhi nekuda kwetsaona dzakasiyanasiyana
Vashandi vakawanda vanorasikirwa nehupenyu hwavo vari pasi pemugodhi nekuda kwetsaona dzakasiyanasiyana

Mumwe mushandi mumwe chete akashaya vaviri vakakuwadzwa zvakaipisisa mushure metsaona inofungidzirwa kuti vakafema mweya une muchetura wecarbon monoxide.

Izvi zvakaitika neSvondo mangwanani mumugodhi weShamva Gold Mine mudunhu reMashonaland Central.

Mashoko atatambira anoti mushandi akashaya uyu ndiye aive mukuru wechikwata chaive pasi panguva yakaitika tsaona iyi.

Zvinonzi pakadhuurwa matombo mune mumwe mwena pasi pemugodhi uyu neMugovera.

Zvinonzi pazoenda chikwata ichi kubasa nemusi weSvondo vakasvikopinda mumugodhi uyu asi vashandi vepasi ava vakaramba kuenda kudivi rakanga radhuurwa matombo iri vachiti mukuru wavo, uyo akazoshaya uyu, atange aenda kunoona kana kwakanga kwave kushandika.

Asi zvinonzi mushure mekunge vaona mukuru uyu asina kudzoka vakazodaidza vamwe vakateverako vakawana atove kushaya, vaviri ava vachibva vakuvadzwawo zvakare nemuchetura uyu zvekuti vari muchipatara pari zvino.

Mumwe mushandi wepamugodhi uyu ataura neStudio 7, uyo ati anonzi Skinda Mwamba, anoti hupenyu hwevashandi huri munjodzi huru sezvo vasina mbatya dzekushandisa dzinokodzera uye mitemo yekudzivirira njodzi haisi kunyanyotevedzerwa.

Mugodhi weShamva Gold Mine unonzi uri pasi pekambani yeMetallon Gold Zimbabwe.

Tsaona iyi inodzora ndangariro yezvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika makumi maviri zvakafira mune mumwe mugodhi kuSouth Africa gore rapera mushure mekufemawo mweya une muchetura uyu.

Taedza kubata mukuru anoona nezvevashandi anzi anonzi VaMadhume asi vadaira foni yavo vati vanga vari pane imwe nhare uye havana kuzodaira zvakare nhare yedu.

Tatadzawo zvakare kubata sachigaro wevashandi vepamugodhi uyu, VaGedion Chirwa, asi nhare yavo yanga isingadairwi.

Hurongwa hwekuradzikwa kwemushandi uyu hunonzi huchiri kugadzirwa nevemhuri yake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG