Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Inosangana naVaCharamba Zvichitevera Kutyisidzirwa Kwakaitwa veNhau naVaCharamba


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Hutungamiri hwesangano rinomirira kodzero dzevashandi venhau, reMedia Institute of Southern Africa, MISA-Zimbabwe, hwasangana nemunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko uye vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaGeorge Charamba, zvichitevera kutyisidzirwa kwevanoita zvenhau naVaCharamba mukupera kwesvondo.

VaCharamba vakati vachaita kuti padzikwe mitemo yakaomarara inoranga venhau vakazvimirira vavakati vari kunyora manyepo pamusoro pezviri kuitika mubato reZanu PF, uye vave kuzviita setsakatirwa dzebato rinopikisa reMDC.

Asi sachigaro webhodhi reMISA-Zimbabwe, VaKumbirai Mafunda, vanoti vakurukura nezvenyaya iyi pamwe nedzimwe, uye kuti mapoka enhau zvii zvaanotarisirwa kuita pamusoro peongororo yesangano rehurumende reInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, pamwe nezvainokurudzira.

VaCharamba vanonzi vatorawo mukana wekuti vazivise pasvika hurongwa hwekuvhurwa kwenhepfenyuro dzakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG