Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Vatsigiri Vavo Kuti Vapinde muMigwagwa Vachiratidzira


Mutungamiri weMDC T VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC T VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC T, VaMorgan Tsvangirai vakurudzira vatsigiri vavo kuti varatidzire mumigwagwa pamberi pesarudzo dzavanoti dzinofanirwa kuitwa nekukasika.

Vachitaura nevatsigiri vavo kuUnit L Hall kuChitungwiza neChina, VaTsvangirai vakavakurudzira kuti vatore matanho akasimba maererano nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika vachiti hapana inofurira irere.

VaTsvangirai vakati mukupera kwekuratidzira uku panofanirwa kuitwa sarudzo dziri pachena pagadziriswa mitemo yose inobata sarudzo munyika.

Zvakataurwa naVaTsvangirai izvi zvakatsinhirwa nemumwe mugari wemuChitungwiza, VaAlbert Murahwa, avo vanoti zvinenge zvine musoro panguva dzino nekuti vanhu vari kutambudzika.

VaTsvangirai vanoti vanhu vazhinji munyika vari kunonga svosve nemuromo zvikuru sei vari kupihwa mari dzepenjeni dzavanoti dzakafanana nemutero wembwa.

Vatiwo vanhu vasiri kupihwa mari dzavo dze NSSA vanofanira kufambira mari idzi kuti vadzipihwe.

VaTsvangirai vari kutenderera nenyika yose vachinzwa pfungwa dzevatsigiri vavo nemamiriro akaita zvinhu munyika uye vachivaudza gwara riri kutorwa nemabato ravo.

VaTsvangirai vanga vachifamba nemunyori mubato ravo VaDouglas Mwonzora, mutevedzeri wasachigaro webato iri VaMorgan Komichi pamwe nenhengo dzekomiti yepamusoro yebato ye National Executive, VaEddie Cross pamwe naVaNelson Chamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro mutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa vakaudza vatori venhau muBulawayo kuti hurumende yeZanu PF yakundikana basa uye yave kufanira kuunza pamwechete mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira kuti varovane masoro vaone kuti vangaite sei sezvo nyika yananga kumawere.

VaDabengwa vanoti VaMugabe vari kuratidza kuti havasi kuziva zviri kuitika munyika.

Asi nhengo yepolitburo yeZanu PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vashora mashoko evatungamiri vemapato anopikisa ava vachiti mashoko aVaTsvangirai ekukurudzira kuti vanhu varatidzire haaunze shanduko, asi kuti kunofanirwa kuuya vanhu vanosima mari dzavo munyika.

VaMangwana vanoti VaTsvangirai vanofanirwa kutanga vaenda kuvanhu vavakati vaise zvirango vatange vabvisa zvirango izvi.

Vanotiwo vanhu vakaita saVaDabengwa, avo vakabuda mumusangano weZanu PF uri kutonga, havana zano ravangabatsirawo naro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG