Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Voendesa Hurumende kuMatare Kuti Varipwe


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Nhengo yeMDC T, VaJob Sikhala, vanoti vari kuendesa hurumende kumatare edzimhosva sezvo mapurisa akavatocha nemusi weMugovera.

VaSikhala, avo vakazvipira kumapurisa epaHarare Central neMugovera mangwanani, vanoti vari kuda kuti varipwe nekuti vakatyorerwa kodzero dzavo nemapurisa.

VaSikhala, avo vakambosungwa zvakare nemusi weChina svondo rapera, vanoti vakashungurudzirwa paHarare Central Police Station neMugovera mushure mekunge vazvisvitsa voga mumaoko ematikitivha eLaw and Order mangwanani emusi uyu.

VaSikhala vanoti havana mhosva yavati vapomerwa kunze kwekungotochwa chete vachinzi vabvume kuti vakasangana nechimwe chizvarwa chekuGermany muSwaziland vachida kuti vapiwe zvombo zvekushandisa kubvisa pachigaro mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vanotiwo panguva yavairohwa vaibvunzwa kuti sei vakasiya bato ravo reMDC 99 risina mutungamiri ivo vachinobatana nemutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi.

Aka hakasi kekutanga VaSikhala vachitochwa nemapurisa. Makore matatu apfuura, VaSikhala vakasungwa vari mutungamiri weMDC99 vakatochwa vari muhusungwa.

Pavaiva mumiriri weSt Mary's muparamende, VaSikhala vakasungwa zvakare vakatochwa pamwe chete negweta ravo mumazuva aya, VaGabriel Shumba, avo vava kushandira muSouth Africa, uye vari mukuru weZimbabwe Exiles Forum.

Zvichakadaro, imwe nhengo yeMDC T uye vari munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vakasungwawo mukupera kwesvondo vachipomerwa mhosva yekushandisa mari nenzira isiri iyo.

VaMwonzora vanonzi vari kupomerwa mhosva yekushandisa mari yevanhu vavari kumirira inoita zviuru gumi nezvishanu zvemadhora yaifanirwa kunge iri mumaoko avo kuti vaichengetedze segweta.

VaMwonzora vanonzi vakabhadhariswa mari yechibatiso inoita madhora mazana mashanu yekuti vatongwe vari kunze, uye vakanzi vape dare gwaro ravo rekufambisa.

Mune imwewo nyaya, vakabviswa zvisina tsarukano semutungamiri wesangano revakarwa hondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda, avo vakasungwa nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vanonzi vamiswa pamberi pedare ramejasitireti muHarare.

Mutongi wedare anonzi ati VaSibanda varambe vari muhusungwa kusvika pavachadzokera zvakare kudare nemusi weChitatu.

Studio7 haina kukwanisa kubata gweta raVaSibanda, VaSobuza Gula Ndebele, kuti tinzwe divi ravo.

VaSibanda vakabviswa pahutungamiri hwesangano revaimbove varwiri verusununguko munguva yehondo vachinzi havana kunotsigira misangano yaiitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Vamwe mubato iri vanoti VaSibanda vakabviswa pachigaro sezvo vaionekwa nevamwe sevanotsigira chikwata chiri kutungamirwa naAmai Joice Mujuru.

Hurukuro naVaJob Sikhala
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG