Accessibility links

Breaking News

MDC T: Hapana Chitsva Pakuenda Kwayo kuMusangano weSADC kuBotswana


Bato reMDC T rinoti SADC inofanirwa kugadzirisa zvinetswa zvemuZimbabwe
Bato reMDC T rinoti SADC inofanirwa kugadzirisa zvinetswa zvemuZimbabwe

Bato reMDC T rinonzi rakada kurova isati yamhara parakatumira chikwata chekunotsvaga rutsigiro panyaya yematambudziko ari muZimbabwe kuBotswana pakugadzwa kwemutungamiri wenyika iyi, VaIan Khama Seretse Khama, sasachigaro mutsva weSouthern African Development Community, SADC.

Asi zvinonzi chikwata ichi, icho chinonzi chaitungamirwa nemukuru muhofisi yemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, VaAbisha Nyanguwo, chakarasiswa naVaKhama, avo vanonzi vakaramba kusangana nacho.

VaKhama vaitora husachigaro kubva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hapana chitsva pakuenda kwechikwata chebato ravo kuBotswana sezvo vagara vachitumira nhume kumisangano yakadai.

VaGutu vanotizve chikwata ichi chakanga chiri nhume dzemutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, kwete kuti chainomirira bato rose, sezvo paine vanyori vanomirira bato kana pachidiwa kumirirwa bato.

Nhengo yeZanu PF, uye vachiongororora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti chave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga, sezvo MDC T yave kuzivikanwa nemuririro wayo wekuchemera kune vekunze kuti vagadzirise matambudziko emuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG