Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoti Makomishina Ari Kudomwa naVaMugabe Akarerekera kuZanu PF


Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC T rinoti rinotambira kuvepo kwekomisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, Zimbabwe Gender Commission, kunyange hazvo riri kupokana nevamwe vanhu vari mukomisheni iyi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadoma Amai Margaret Sangarwe-Mukahanana kuva sachigaro wekomisheni iyi.

Vamwe vakadomwa semakomishina ndi Doctor Nyepudzai Nyangulu, Amai Sibongile Chambakale Mauye, Amai Tsungirirai Kundai Hungwe-Chimbunde, Amai Naomi Chimbetete, VaObert Matshagala, VaVictor Nkiwane, Doctor Paul Kadzima, pamwe naVaPeter Maonera, vanove Ishe Chikwizo.

MDC-T inoti inopokana nevamwe vevanhu vakaiswa mukomisheni iyi, iro vanoti vanhu vanozivikanwa zvikuru kuti vanotsigira bato reZanu PF, uye vamwe vavo vakatomboshanda muhurumende yeZanu PF mumapazi akasiyanasiyana.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti sachigaro vekomisheni iyi, Amai Sangarwe-Mukahanana, vakatomboshanda muhofisi yemutungamiri wenyika uye mubazi rezvekushanyirwa kwenyika.

“Vanhu vese vanozviziva kuti kuhofisi yemutungamiri wenyika ndiko kunobva vasori. Doctor Kanzima vakambove mumiriri weNyanga North muparamende, VaMatshalaga vaimirira Zvishavane/Runde. Kwozotiwo hapana asingazive kuti Doctor Nyepudzai Nyangulu inhengo yeZanu PF,” vanodaro VaGutu.

Vanotiwo pasi pemitemo yenyika, komisheni iyi yakatononoka kuumbwa, pachitariswa kuti bumbiro remitemo ratove nemakore maviri raumbwa.

VaGutu vanotiwo mukomisheni iyi hamunawo vechidiki sezvinotarisirwa munyika ine vechidiki vakawanda kudarika vakuru.

Vanoti nhengo dzebato ravo muparamende dzichaita ruzha pamusoro penyaya iyi kusvikira yagadziriswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG