Accessibility links

Breaking News

MDC Renewal Yoronga Musangano weKongiresi Yekutanga


VaTendai Biti ndivo vanonzi vari kutarisirwa kudomwa kuve mutungamiri webato iri
VaTendai Biti ndivo vanonzi vari kutarisirwa kudomwa kuve mutungamiri webato iri

MDC Renewal Team iri kutarisirwa kuita musangano wayo mukuru wekutanga wekongiresi kunhandare yeCity Sports Centre muHarare.

Musangano uyu uchaitwa kwemazuva matatu, kubva musi weChishanu kusvika musi weSvondo, 21-23 Nyamavhuvhu.

Vari kushanda semutauriri webato iri pari zvino, VaJacob Mafume, vanoti musangano mukuru uyu uchashandiswa kusarudza hutungamiri hwebato uye uchashandiswawo kuparura zvirongwa zviviri zvine bato iri.

VaMafume vanoti vane chirongwa chinonzi Holistic Program for Economic Transformation, HOPE, icho chichagadzirisa hupfumi hwenyika hwavanoti hwarara nemusana.

Chimwe chirongwa chichaparurwawo musi uyu chinonzi ARREST, icho VaMafume vanoti chichange chakanangana nezvematongerwo enyika, zvikuru nyaya yesarudzo idzo vanoti dziri kugara dzichirerekera kudivi rimwe chete rinove reZanu PF.

Kongiresi iyi ichatambirawo kana kuramba zita idzva rebato, iro rinonzi rakabuda kubva kumatunhu ose, rekuti People’s Democratic Party, PDP.

VaMafume vanoti mazita akabuda mumatunhu ekutora zvigaro zvehutungamiri, raVaTendai Biti ndiro rakasimudzwa kuti vave kutungamiri webato, mutevedzeri vavo vari VaSamuel Siphepha Nkomo.

Vamwe vakadomwa nematunhu kuti vatore zvigaro vanosanganisira Amai Lucia Matibenga, avo vari kutarisirwa kudomwa sasachigaro, Amai Evelyn Masaiti vanotarisirwa kuitwa sachigaro wemadzimai, kuchitiwo VaSolomon Madzore vachitarisirwa kudomwa pachigaro chemunyori anoona nezvezvirongwa, kana kuti organizing secretary.

VaMafume ndivo vari kutarisirwa kupiwa chigaro chemutauriri webato zviri pamutemo, kana vadomwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG