Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Handiyo Iri Kuronga Musangano weKuzeya Matambudziko


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti manyepo mashoko ari kubuda ekuti mamwe mapato ezvematongerwo enyika pamwe nemachechi vari kuramba kupinda muhurongwa hwehurukuro yekuzeya matambudziko akatarisana nenyika.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo harisi iro riri kutungamira hurongwa hwekuti pave nehurukuro pamusoro pematambudziko ari munyika, saka vanhu havafanirwe kushandisa mukana uyu kutsoropodza bato ravo.

Bepanhau rehurumende reThe Herald rinoti mamwe mapato ezvematongerwo enyika aramba kuti ane chekuita nemusangano uyu achinzi ari kuti VaTsvangirai havana masimba ekudaidzira musangano wakadai.

Asi VaGutu vanoti musangano uyu uri kukokerwa nevanhu vane chiremera munyika, vavasingagoni kudoma nemazita pari zvino vanosanganisira vhezvemachechi, zvematongerwo enyika, vemabhizimusi pamwe nevadzidzi.

Pane hurongwa hwekuti paitwe musangano unosanganisa mapoka ose ari munyika unotarisirwa kuuya nemazano angabatsira vana veZimbabwe.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG