Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoti Inotambira Vose Vanobatsira Vakawirwa neMatambudziko


Vanhu vakawanda vakasara vasina pekugara mushure mekuparadzirwa misha munguva yemhirizhonga yezvematongerwo enyika
Vanhu vakawanda vakasara vasina pekugara mushure mekuparadzirwa misha munguva yemhirizhonga yezvematongerwo enyika

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo rinotambira nemufaro masangano kana vanhuwo zvavo vanoita mabasa anobatsira veruzhinji, kana chete masangano aya, kana vanhu ava, vachiremekedza pamwe nekucherechedza hutungamiri hwebato iri pamwe nebumbiro rebato.

Mashoko aya anotevera danho rinonzi rakatorwa nerimwe sangano renhengo dzebato reMDC T, rinozviti MDC Veteran Activists Association, iro rakaparura chirongwa chekubatsira nhengo dzebato dzakaparadzirwa misha nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

NeMugovera sangano iri rakaparura hurongwa uhwu kuburikidza nekupa imba kune mumwe mudzimai, Amai Regina Ndlovu, avo vakaparadzirwa imba yavo kunze kweguta reBulawayo nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF mugore ra2002.

Nhengo dzeMDC dzakawanda munyika yose dzakaparadzirwa misha pamwe nemidziyo munguva yemhirizhonga asi dzichikundikana kuwanirwa rubatsiro.

VaGutu vanoti bato ravo rine chido chekubatsira asi dambudziko guru nderekuti zvinhu zvakaomera vanhu vose kusanganisirawo mapato ezvematongerwo enyika.

Sachigaro webato reMDC T mudunhu reBulawayo, VaGift Banda, vanoti vanotambira nemufaro mukuru basa riri kuitwa nesangano reMDC Veteran Activists Association asi havana kufadzwa nekusakokwa kwavo kuchiitiko ichi ivo vari hutungamiri hwebato mudunhu reBulawayo.

Asi mutauriri wesangano reMDC Veteran Activists Association, VaSwithern Chirowodza, vanoti manyepo kuti havana kukoka bato ravo kuchiitiko ichi sezvo vakanga vakoka mutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, asi vakazoudzwa kwasara zuva rimwe nemumwe mutungamiri webato ravo kuti VaTsvangirai vakanga vasisakwanisi kuvepo sezvo sangano iri richinzi hariremekedzi humwe hutungamiri hwebato.

VaChirowodza vanoti sangano ravo rinounganidza mari kubva kunhengo dzebato dzinoda kubatsira, zvisineyi nebato.

Sangano iri rakavaka imba ine mipanda miviri, uye rinoti rine hurongwa hwekuvaka dzimwe dzimba mumatunhu ose gumi enyika kana rikawana rubatsiro.

Vamwe muMDC-T vanoti havacherechedzi sangano rinozviti MDC Veterans Activists Association nokuti zvarinoita, kunyange hazvo zvakanaka, hazvisi mubumbiro rebato.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaSwithern Chirowodza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG