Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKambani yeMarvo Vosvitsa Makore Maviri Vasina Mihoro


Vashandi vanoti vave nemakore maviri vasati vapiwa mari dzavo dzemihoro
Vashandi vanoti vave nemakore maviri vasati vapiwa mari dzavo dzemihoro

Panguva iyo vamwe vashandi vari kudya mari dzavo dze mabhonasi, vamwe vashandi vanodarika zana veimwe kambani inodhinda mabhuku yeMarvo Stationery iri muguta reBulawayo vanoti vave nemwedzi inodarika makumi maviri vasati vatambiriswa mihoro yavo.

Mumwe wevashandi ava, VaMbonisi Gumbo vanoti chinovarwadza ndechekuti vave nemwedzi inosvika makumi maviri nemitatu vasina kupiwa mari dzavo, asi iyo kambani yavo yakawana mari inodarika $750 000.00 kubva kuhomwe yeDistressed Marginalised Areas Fund, Dimaf, iyo inobatsira makambani ari kutatarika.

VaGumbo vanoti vashandi vane mari dziri pakati pezviuru zvishanu zvemadhora kusvika mazviuru makumi maviri nezvitatu zvemadhora dzavasati vapiwa, zvichienderana nekuti munhu anenge aine chinzvimbo chakadii mukambani iyi.

Kambani yeMarvo Stationery inonzi iri pasi pamaneja akaiswa medare redzimhosva, (judiciary management) uyo anzi anonzi vaCrispen Mwete, mushure mekunge vashandi vahwinha nyaya yekusabhadharwa kwavo kumatare edzimhosva.

Zvinonzi kambani yakapikisa mutongo wakanga wapiwa nedare uyu sezvo waizoita kuti midziyo yayo itengeswe.

Studio 7 yakundikana kubata VaMwete vacho kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaMbonisi Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG