Accessibility links

Breaking News

Chibage Chakatengwa kuZambia Chopinda Chakawanda Muna Gunyana


Vari kutungamira kupinzwa munyika kwechibage chakatengwa nevemabhizimusi akazvimirira kubva kuZambia vanoti kubva mwedzi waGunyana vanenge vokwanisa kupinza chibage chakawanda pane chiri kupinda munyika pari zvino.

VaTafadzwa Musarara, vanove sachigaro wesangano revanogaya upfu reZimbabwe Grain Millers Association, uye vari ivo vari kutungamira kupinzwa kwechibage, vanoti vakaita musangano nevesangano revanotengesa chibage kuZambia reGrain Traders Association of Zambia.

Vanoti vakawirirana kuti pakwidzwe huwandu hwechibage kubva pamatani zviuru makumi matatu zviri kupinda munyika pari zvino kuenda pamatani zana rezviuru.

VaMusarara vanoti zvimwe zvimhingamipinyi zvakaita semitemo yepamabhodha yakaoma zviri kunonotsa kufamba kwakanaka kwedzimotokari dzechibage kuri kutariswawo nehurumende sezvo vakasvitsa zvichemo zvekuti vabatsirwe nekukasika.

Goho rechibage rakadzikira zvikuru mwaka uno sezvo nyika iri kutarisira kukohwa matani angangosvika pamazana mapfumbamwe nemakumi mashanu ezviuru chete asi nyika ichida matani anosvika miriyoni nemazana masere ezviuru, izvo zvakazoita kuti kutengwe chibage kubva kuZambia senzira yekupfekedza matura.

Hurumende iri kupinzawo chimwe chibage nekune rumwe rutivi, asi matunhu mazhinji anonzi vanhu vave kutanga kurwisana nenzara.

VaMusarara vanoti kunyange hazvo vari kutenga chibage kubva kunze, vari kutengawo kubva kuvarimi vemunyika vakakwanisa kukohwa zvekutengesa.

Vanoti nhengo dzavo dziri kutenga tani rechibage nemari iri pakati pemadhora mazana maviri nemakumi matanhatu emadhora nemazana matatu emadhora.

XS
SM
MD
LG