Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi Votsigira Kurambidzwa kweZvirimwa Zvekunze Munyika


Farmers selling maize after harvest in Malawi's northern district of Karonga. (VOA / T. Kumwenda)
Farmers selling maize after harvest in Malawi's northern district of Karonga. (VOA / T. Kumwenda)

Rimwe sangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, ZCFU, rinoti rinotsigira zvakanyanya danho rakaziviswa nehurumende rekuti yave kumisa kupinzwa munyika kwezvirimwa zvakaita sehanyanisi, matomati, nechibage pamwe neupfu.

Asi sangano iri rinoti panyaya yechibage hurumende yaifanirwa kutanga yaona kuti goho remwaka uno rakamira sei, yozoti yoona kuti chibage chingadiwa kubva kunze kwenyika chakawanda zvakadii.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima vachiona nezvezvirimwa nemadiridziro, VaDavis Mharapira, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurumende pari zvino yambomira kupa marezinesi ekupinzwa kwehanyanisi nemadomasi, uye kubva musi wa 30 Kubvumbi gore rino inenge isisabvumidzi kupinzwa kwechibage neupfu munyika.

VaMharapira vakati hurumende yatora danho iri senzira yekudzivirira varimi vemunyika kubva kuzvirimwa zvekunze izvo zvine mitengo yakaderera.

Asi mutungamiri wesangano reZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti ongororo yezvirimwa iri kuitwa nebazi reAgritex inoratidza kuti matunhu ari kuchamhembe kwenyika atotarisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura, izvo zvichaita kuti nyika ide chibage chakawanda kubva kunze.

VaChabikwa vanoti kunyange hazvo goho remwaka wapera rakanga riri nani pane mamwe makore adarika, harikwanisi zvakare kuyambutsa nyika kusvika pakukohwa kwemwaka uno.

Vanotiwo ongororo yeAgritex ndiyo ichabatsira kuti paonekwe kuti goho rawanikwa rakadii, chikafu chingada kuwedzerwa chakadii, izvo zvichaita kuti hurumende itange zvakare kubvumidza kupinzwa kwechibage munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG