Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo reChando Rinosiya Ravhiringa Matunhu Akawanda muAmerica


Kuchera chando
Kuchera chando

Dutumupengo rine chandomupengo rinonzi Jonas raive nemhepo yaidarika makiromita makumi masere paawa rakavhiringa matunhu akawanda muAmerica, izvo zvakasiya matunhu aya achinetsekana nemirwi nemirwi yechando

Dutumupengo rine chandomupengo rinonzi Jonas raive nemhepo yaidarika makiromita makumi masere paawa rakavhiringa matunhu akawanda muAmerica, izvo zvakasiya matunhu aya achinetsekana nemirwi nemirwi yechando.

Chando ichi chakaungana kuita mirwi iri pakati pemasendimita makumi mana nezana mushure mekudonha kwemazuva maviri akatevedzana.

Matunhu akanyanya kurohwa nedutumupengo iri anosanganisira guta guru reAmerica reWashington DC, Maryland, Virginia, West Virginia, Pennsylvania, North Carolina, South Carolina, New Jersey, New York, Kentucky, Tennessee neGeorgia.

Vanhu vanodarika makumi matatu vanonziwo vakafa zvichikonzerwa nedutumupengo iri, iro rakakonzerawo njodzi dzakawandisa dzemumigwagwa pamwe nekuputsa uye kuparadzwa zvivakwa zvakawanda.

Dutu iri, iro rinonzi ndiro hombe kusvika pari zvino, rinonzi rakaisa vanhu vanodarika mamiriyoni makumi masere munjodzi.

Vamwe vaive munjodzi iyi zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu akasangana netsaona idzi.

Mumwe wevakasangana nenhamo yekuvharirwa mumba kwemazuva matatu ndaVaJonah Masiya nemhuri yavo. VaMasiya vanogara muInwood kuWest Virginia.

VaMasiya, vanove murairidzi, vanoti vakaona nhamo tsvuku kuti vafukunure dzimotokari dzavo dzakanga dzafushirwa nechando.

“Takaita basa kuchera, kuita setaichera mufudze kumusha tichifukunura motokari pamwe nekuvhura nzira dzakanga dzavharwa,” VaMasiya vanodaro.

Vanoti ivo nemhuri yavo vakanga vakagadzirira zvakasimba mune zvose zvinotarisirwa kuti munhu ave nazvo munguva yenjodzi yakadai sezvo vakanga vapiwa chenjedzo nevakuru vedunhu ravo.

Vanoti vanofadzwawo kuti havasati vanzwa kana paine chizvarwa cheZimbabwe chakashayika mutsaona ingadai yakakonzerwa nedutumupengo rechando iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG