Accessibility links

Breaking News

Hurumende yoKurudzirwa Kubhadhara Zvikwereti Zvayo Nemazvo Kuti Hupfumi Husimuke


Nyanzvi munyaya dzehupfumi nevambhizimisi vati nzira dziri kutorwa nehurumende mukugadzirisa hupfumi nekubhadhara zvikwereti dzinofanira kutevedzwa zvakadzama kuti hupfumi hwenyika husimuke nekufambira mberi.

Vachitaura pamusangano wekutarisa remangwana reZimbabwe munyaya dzezvehupfumi pamwe nekudyidzana kwayo nenyika nemasangano ekunze anopa mari akaita seWorld Bank, nyanzvi idzi dzati hurumende inotofanira kutora mamwe matanho akadzama pakugadzirisa hupfumi nekubhadhara zvikwereti zvayo zvese.

Muzvinafundo Mthuli Ncube vekuOxford University, kuBritain vati Zimbabwe inotoda hurongwa hwakadzama kudarika hurongwa hweStaff Monitored Program uhwo huri kutungamirwa neInternational Monetary Fund.

Mukuru weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaGodfrey Kanyenze vati kunyange hazvo masangano akaita seIMF nenyika dzekunze dzichi uya kuzobatsira, nyika inofanira kuve nehurongwa hwayo hwekugadzirisa hupfumi hwayo.

Vati pari zvino nyika iri kutadza kuwana mari kubva kumasangano akaita seIMF, World Bank nenyika dzinobatsira nekuda kwezvikwereti zvisiri kubhadharwa.

Vaenderera mberi vachiti itsika yakashata yekuti nyika inokwereta mari asi isingabhadhare zvikwereti izvi.

Mukuru weConferderation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo vatiwo zvakakosha kuti pave nemitemo inonakira hurumende nevamabhizismisi kuti hupfumi husimuke.

Vati pari zvino zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka sezvo pasina kuwirirana pane zvinotaurwa nehurumende nezvairi kuzoita.

Vanotiwo nyaya dzezvikwereti zvenyika dziri kutadzisa vemabhizimisi kuwana mari nemutengo wakaderera kubva kumabhanga ekunze.

Vamwewo vataura pamusangano wanhasi mukuru webhanga guru renyika reRBZ, VaJohn Mangudya avo vati vari kuita zvese zvavanokwanisa kugadzirisa zvinhu munyaya dzemabhanga pamwe nekutaurirana nenyika nemasangano ekunze kuti vachitange kudyidzana neZimbabwe zvekare.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika vachiti kana ikaisaita izvi haigona kuwana rubatsiro rwemari izvo zvinoita kuti isabudirire.

Mashoko aVaChinamasa ano pindirana neakataurwa paStudio 7 negurukota rezvemaindasitiri VaMike Bimha vari kuItaly ekuti Zimbabwe inoda kudyidzana nemunhu wose.

Mukuru wechikwata cheIMF chiri kushanya munyika, VaDominico Fanizza vapindawo mumusangano uyu, vakati zvakakosha kuti nyika ibhadhare zvikwereti zvayo kuitira kuti ikwanise kuwana mari kubva kumasangano akaita seAfrican Development Bank, IMF, World Bank nedzimwe nyika.

Musangano uyu wange wakarongwa neIMF yakabatana nehurumende yeZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG