Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yokurudzirwa Kusiya Chigaro Ichinzi Yatadza Kuwanira Vanhu Chikafu Chakakwana


Kusanaya zvakanaka kwemvura ndiko kunonzi kwakonzeresa nzara munyika
Kusanaya zvakanaka kwemvura ndiko kunonzi kwakonzeresa nzara munyika

Mumwe mutungamiri webato rinopikisa reTransfrom Zimbabwe anoti bato riri kutonga reZanu PF rakundikana kuwanira vanhu chikafu nekudaro rinofanirwa kusiya chigaro.

Mashoko aya ataurwa naVaJacob Ngarivhume, avo vanoti hurumende ine chido nevanhu vayo inogara yakagadzirira matanho ekutora kana nyika yatarisana nedambudziko rakadai.

Asi VaNgarivhume vanoti hurumende iripo haina zvairi kuita zvekubatsira nazvo vanhu.

Vanoti matunhu ose enyika ane vanhu vave kutoziya nenzara, kwete huwandu huri kuburitswa nehurumende.

Mukupera kwesvondo mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisawo kuti hurumende iri kutarisana nematambudziko mukuyedza kwayo kuwanira chikafu vanhu vanodarika mazana matanhatu ezviuru vakatarisana nenzara yakaoma.

Asi VaNgarivhume vanoti kana hurumende yeZanu PF ikaramba kusiya chigaro, inofanirwa kudaidza vana veZimbabwe vose kuti ibatsirwe nekupiwa mazano ekugadzirisa dambudziko iri.

“Asi dambudziko riripo nderekuti zvose zvinoitwa nehurumende yeZanu PF zvinoitwa mune zvematongerwo enyika,” VaNgarivhume vanodaro. “Isu nhengo dzedu kuMbire dziri kunyimwa chikafu nekuti dzakativhotera musarudzo ye by-election.”

Mukuedza kwayo kurerutsa dambudziko rechikafu, hurumende iri kutenga chibage kubva kunze, zvikuru kuZambia.

Asi zvinonzi chiri kunonoka kupinda munyika chakawanda nekuda kwezvimhingamipinyi zvakawanda zvinosanganisira mitemo yepamiganho yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG