Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu Pasi Rose


Magweta achiratidzira kutyorwa kwekodzero dzevanhu
Magweta achiratidzira kutyorwa kwekodzero dzevanhu

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, kana kuti Human Rights Day.

Vanhu vakawanda vabatana nehurumende, pamwe nemasangano akamirira mukucherechedza zuva iri pahurongwa hwaitirwa muguta reBulawayo.

Dingindira regore rino rinoti “Human Rights 365”, uye hurongwa hwegore rino hwanga hwakarongwa nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission.

Chirongwa ichi chaparurwa nevanga vari munyarikani, uye vari mutevedzeri wemutongi mukuru wematare, Justice Luke Malaba.

Mumashoko avo pamusoro pekucherechedzwa kwezvua iri, munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-moon, vakurudzira nyika dzose kuti dziremekedze kodzero dzevanhu mazuva ose.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Associtaion, ZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanotenda zvikuru nedanho ratorwa nehurumende rekubatana navo mukucherechedza zuva iri.

Vatiwo izvi zvinofanirwa kuonekwa nemabasa anofanirwa kuitwa nehurumende mukuchengetedza vanhu vayo, sezvo riri basa rayo rekuona kuti kodzero dzemunhu wese dzaremekedzwa.

Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose dzinozivikanwa zvikuru nekutyora kodzero dzevanhu.

Chirongwa chemuBulawayo chinoitika svondo rimwe zita renyika riri pamusoro munyaya dzekutyora kodzero zvichitevera kutochwa kwakaitwa nhengo yeMDC-T, VaJob Sikhala.

Ruva reHuman Rights Day rakatanga kucherechedzwa neUnited Nations General Assembly mugore 1948.

Mugore ra1950 United Nations General Assembly yakazokoka nyika dzose pamwe nemamwe masangano kuti vacherechedze zuva iri.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG