Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Heroes' Acre Ndeye Vari muZanu PF Chete Vanombika


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vanhu vari kunyunyuta nemafambisirwo anoitwa neZanu PF kusarudzwa kwemagamba enyika vari kutamba nenguva nekuti hapana zvichachinja.

Vachitaura pamhemberero dzezuva remagamba akarwira rusununguko rwenyika, kana kuti Heroes Day kumarinda anovigwa magamba eHeroes’ Acre muHarare, VaMugabe vati vanhu vakarwa muhondo yerusununguko, uye vanovimbika ndivo chete vachavigwa panzvimbo inovigwa magamba enyika.

VaMugabe, avo vava nemakore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa, vati vanhu vasina kuvimbika, avo vanosanganisira nhengo dzemapato anopikisa, havana mukana wekuvigwa pamarinda eHeroes’ Acre nekuti vari kudzosera nyika kumashure vachishanda nevavengi.

VaMugabe vatora mukana uyu kushora bato reMDC vachiti maitiro ebato iri haakodzere kuti munhu aitwe gamba renyika.

Vatiwo vachashanda zvakasimba mukusimudzira hupenyu hwevanhu vakarwa muhondo yerusununguko.

VaMugabe vati nyika yakawana kuzvitonga nepamusana pevanhu vakanga vari muhondo yeChimurenga.

Vati zuva remagamba enyika izuva rekupemberera pamwe nekuchengetedza hupenyu hwezvinhu zvose zviri muZimbabwe, izvo vati zvinosanganisirawo shiri, tsoko, makarwe, makudo neshumba, kusanganisira shumba yainzi Cecil iyo yakaurayiwa mwedzi wapera.

VaMugabe vashora zvikuru maitiro evanhu vanovhima vachida kuzadza dzimba dzavo nemisoro yemhuka dzakaurayiwa.

Vachitaurawo pagungano iri, Mufundisi weRoman Catholic, Father Fidelis Mukonori, vayambira vechidiki kuti vafambe negwara kwaro, uye kuti vateerere yambiro nekurudziro yevanhu vakuru.

Mushure mekupa mashoko avo pachiitiko ichi, VaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vatungamira vakuru vakuru vanga vari pagungano iri kunoisa maruva paguva regamba risingazivikanwe, kana kuti Tomb of the Unknown Soldier.

Vatevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa naVaPhelekezela Mphoko, mutungamiri wedare reSenate, Amai Edna Madzongwe, mutauriri wedare reHouse of Assembly, VaJacob Mudenda, pamwe nemukuru wevatongi vematare edzimhosva, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, vaisawo maruva parinda regamba risingazivikanwe mushure maVaMugabe nemudzimai wavo.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti matauriro aVaMugabe kuHeroes’ Acre ndezvimwe zvezvinhu zvaita kuti vanhu vakaita saAmai Joice Mujuru naVaRugare Gumbo nevamwe vakadzingwa muZanu PF vasaenda kumarinda kunorangarira magamba avakashanda nawo munguva yehondo.

Mutauriri werimwe bato rinopikisa hurumende reNational Constitutional Assembly, NCA, vanoshorawo zvikuru mashoko emutungamiri wenyika aya vachiti VaMugabe vanoona sekuti munhu anenge apikisana navo haachina chiremera nerukudzo rwemabasa aakaita mukusunungura nyika.

VAChivasa vanoti hurumende yeZanu PF ndiyo yakaisa vanhu mumatambudziko avari.

Vanoti iye zvino hurumende yave kuda kutengesera vanhu mvura, panguva iyo vashandi vazhinji vari kurasikirwa nemabasa.

Mapato anopikisa maviri aya anoti pakusharwa kwegamba renyika panofanirwa kuumbwa komiti yakazvimirira inoita basa iri, kwete kuti Politiburo yeZanu PF ipiwe basa iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG