Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Zvinoreva Kuzviongorora HIV


Chirongwa ichi chinenge choita kuti munhu akwanise kuzviongorora kana aine hutachiona hweHIV
Chirongwa ichi chinenge choita kuti munhu akwanise kuzviongorora kana aine hutachiona hweHIV

Hurumende inonzi ine hurongwa hwekuzoparura chirongwa chekuti vanhu vazvitarise voga kana vaine hutachiwana hweHIV, vachishandisa michina yeHIV self-testing kits.

Bepanhau reSunday Mail rinoti hurongwa uhu huchiri kuongororwa nezvahwo kuitira kuona kuti hunotambirwa sei, husati hwaiswa kuvanhu.

Nyika dzakawanda, zvikuru dzakabudirira, dzinonzi dziri kushandisa nzira iyi zvakanyanya mukuti vanhu vazive pavamire munyaya dzeHIV.

Asi muZimbabwe chirongwa ichi chiri kuda kuparurwa panguva iyo paine mashoko anoti vanhu vanodarika zviuru gumi nechimwe vakatariswa hutachiwana hwe HIV kubva kumahofisi avana chiremba havana kuzodzokera kunotora zvakabuda mukutariswa uku.

Vamwewo vanoongorora nyaya dzehutano nemagariro evanhu vanoti chirongwa ichi chisati chaparurwa munyika, vanhu vanofanirwa kupiwa dzidziso yakasimba yekuti vazokwanisa kutambira vari voga zvinenge zvabuda muongororo yavanenge vaita iyi.

Vamwe vanoti kana zvakasabatwa zvakanaka vanhu vakawanda vanogona kuzviuraya mushure mekunge vaona zvinenge zvabuda izvi.

Sachigaro vesangano revanhurume rinorwira kodzero dzemadzimai, rePadare, VaJonah Gokova, vanoti hurumende inogona kuda kuunza chirongwa ichi senzira yekuti irerukirwe, sezvo isina mari yekubhadharira vanhu vari kuenda kunoongororwa ropa.

VaGokova vanoti zvakakoshawo kwazvo kuti vanhu vawaniswe dzidziso yakakwana chirongwa ichi chisati chaparurwa, sezvo riri iro rimwe dambudziko riri kusanganikwa naro pazvirongwa zviripo pari zvino.

Asi vanotungamira sangano revechidiki reStudents and Youth Working on Reproductive Health Action Team, SAYWHAT, VaJimmy Wilford, vanoti havaoni hurumende ichikandira vanhu chirongwa chaisina kutanga yaongorora.

Vanoti zviri pachena kuti hurumende yakazivisa kuti ichaita ongororo dzakadzama pamwe nekunzwa pfungwa dzevanhu isati yapinza chirongwa ichi munyika.

VaWilford vanoti kana chirongwa ichi chakazoparurwa vanoona chichibatsira kwazvo, sezvinongoitikawo kune varwere vanozviongorora zvirwere zvakaita secheshuga nezvimwe zvakadaro.

Hurukuro naVaJonah Gokova pamwe naVaJimmy Wilford
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG