Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsvaga Mari yeKudzivirira Ebola


Doctor David Parirenyatwa
Doctor David Parirenyatwa

Gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vanoti bazi ravo rinoda mari inoita mamiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora kuitira kuti rikwanise kugadzirira kurwisa chirwere chanetsa cheEbola.

Chirwere ichi chinonzi chauraya vanhu vanodarika zviuru zvina nechidimbu mudunhu reWest Africa.

Sangano reWorld Health Organisation rinotiwo chirwere ichi chiri kupararira kakapetwa kaviri mumasvondo mana oga oga.

Doctor Parirenyatwa vaudza Studio7 kuti mari iyi inenge ichizoshandiswa mukudzivirirwa kwechirwere ichi, sezvo pasi rose riri kuti chirwere ichi chinofanirwa kuparadzirwa padzinde racho, rinove nyika nhatu dzakabatwa nacho pari zvino dzinoti Guinea, Sierra Leone ne Liberia.

Vatiwo mari zhinji inenge ichizoenda kunodzidzisa vashandi vezvehutano, vashandi venzvimbo dzekupinda pamwe nekubuda kwevanhu munyika, pamwe nekutenga midziyo yakakodzera yakaita sema amburenzi nezvimwe zvekushandisa.

Doctor Parirenyatwa vanotiwo miganho yenyika inofanirwa kusimbiswa pamwe nekuchengetedzwa zvakasimba.

Vatiwo veruzhinji vanofanirwa kuwaniswa dzidziso yakasimba yechirwere cheEbola kuitira kuti vagare vachiziva nezvechirwere ichi.

Hurumende inonzi yakangopa bazi rezvehutano mari inoita zana nemakumi matatu ezviuru zvemadhora iyo inonzi yose yakaperera mukudzidzisa vashandi pamwe nezvechirwere ichi.

Veruzhinji munyika vanoti havasi kuwana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirwere ichi nenzira dzekuti vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi.

Boka rezvekushanyirwa kwenyika, reZimbabwe Tourism Authority, rinoti dambudziko reEbola raita kuti nyika irasikirwe nemari inodarika mamiriyoni matanhatu emadhora, sezvo vamwe vemakambani ainge ati achapinda munyika kumusangano weSangani/Hlanganani Travel Expo vakakanzura nzendo dzavo vachiti vari kutya Ebola.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Amai Rutendo Bonde, vanoti zvataurwa naDoctor Parirenyatwa zvinotsinhira zvavagara vachitaura zvekuti hurumende haina kugadzirira zvakakwana.

Mukuru weManor Care, vachishanda vakazvimirira kuEngland, Doctor Brighton Chireka, vanotiwo zvimwe zvinofanirwa kuitwa nehurumende kuwanisa vanhu dzidziso yakakwana pamusoro peEbola.

Hurukuro naDoctor Rutendo Bonde pamwe naDoctor Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG