Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu 30 Gunyana 2015


Studio 7
Studio 7

Musangano weUnited Nations General Assembly unoenderera mberi ku New York vamwe vatungamiri vedzimwe nyika vachiramba vachi kurudzira kuti UN Security Council ivandudzwe

Gurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa vanoti Zimbabwe iri kukumbira kuti masangano eGlobal Fund neClinton Foundation abatsire nyika nemari yekurwisana ne HIV/Aids.

Murwiri wekodzero dzengochani, Chesterfield Samba anoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakashoropodza ngochani kumusangano weUnited Nations, acharamba achirwira kodzero dzengochani munyika.

Muchikamu chedu chatinotarisana zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi teni hurukuro naAmai Fadzai Gwaradzimba, avo vachangobva kudomwa nemunyori mukuru we United Nations VaBan ki-Moon semutewedzeri wemunyori mukuru muboka rezvekudzvirirwa kwenjodzi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvemusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa kunew York muAmerica.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 AM, 4930, kana pa 12080, ne 15460 KiloHertzs pa ShortWave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG