Accessibility links

Breaking News

Kuputswa kweDzimba Kowedzera Matambudziko muHarare


Hurumende yakamboputsa dzimba munguva yeOperation Murambatsvina
Hurumende yakamboputsa dzimba munguva yeOperation Murambatsvina

Panguva iyo veruzhinji munyika vari kunetsekana nekuburitswa kuri kuramba vashandi vachiitwa mabasa, matambudziko kune dzimwe mhuri muHarare atowedzerwa mushure mekunge dzaputsirwa dzimba nekanzuru yeguta iri.

NeChitatu kanzuru yeHarare yakaparadza dzimba dzinosvika zana mumusha weveruzhinji weBudiriro, idzo inoti dzakavakwa zvisiri pamutemo munzvimbo dzisingabvumidzwi.

Kubva payakatanga kuputsa dzimba nezvivakwa zvinonzi zvakavakirwa munzvimbo dzisingabvumidzwi, kanzuru yaputsawo zvivakwa zvakadai kuWarren Park nekuGlen Norah.

Kanzura weWard 13, (Rugare, Southerton neLochnivar), VaPeter Moyo, vanoti kanzuru yavo yakagara yapa vanhu ava yambiro yekuti vasavake dzimba munzvimbo idzi.

Asi VaMoyo vanoti nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika dzaitungamidzwa pamberi, vanhu vakawanda vakarasikirwa nemari dzavo vachitengeserwa nzvimbo idzi nenhengo dzeZanu PF dzakaumba masangano kana makoparetivhi ekutengesa dzimba.

Mumwe wemasachigaro esangano remubatanidzwa wemasangano evagari wemaguta akatenderedza Harare, reHarare Metropolitan Residents Forum, HAMREF, uye vari sachigaro veCombined Harare Residents Association, CHRA, VaSimbarashe Moyo vanoti vasangana nevagari vekuBudiriro vakaputsirwa dzimba ava vachisimbisana nekunyaradzana navo.

Vanoti mhuri zhinji dziri kurara panze munguva ino yechando, zvinopokana nebumbiro remitemo yenyika iro rinoti munhu wese anofanirwa kunge aine pekugara.

Vanotiwo vave kushanda nemagweta avo kuti atore matanho pamusoro pedanho rekanzuru iri, sezvo isina kutanga yatsvagira vanhu pekugara isati yaputsa dzimba dzavo.

Ukuwo hurumende kuburikidza negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, iri kupomerawo mhosva yekungomera kwezvivakwa pose pose kuvanhu vari kutengesera vanhu nzvimbo dzekuvakira, kana kuti land barons, pamwe nemamwe makanzura ebato reMDC T vari kutungamira kanzuru yeguta reHarare .

Asi VaMoyo vanoti kanzuru yavo haisi kuputsa zvivakwa zvose zvakavakwa zvisiri pamutemo izvi, sezvo vari kutotambira dzimwe dzimba vachidzinyoresa zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG