Accessibility links

Breaking News

Masimba eParamende eKutonga Nhengo Dzayo Ovandudzwa


Paramende yanga iine masimba ekuranga nhengo dzinenge dzatsautsira
Paramende yanga iine masimba ekuranga nhengo dzinenge dzatsautsira

Hurongwa hwekuwandudza mitemo yenyika kuti ifambirane nebumbiro idzva remitemo hunonzi hwuri kuratidza kufamba negwara zvichitevera kugazetwa kwebhiri reGeneral Laws Amendment Bill svondo rapera.

Bhiri iri rinonzi riri kuda kuti mitemo ingangosvika zana nemakumi mashanu, kusanganisira mutemo uchatapudza masimba edare reparamende mukuranga kwaro nhengo dzinenge dzatsautsira, ivandudzwe.

Bhiri iri rinonzi riri kuda kuti paramende itorerwe masimba ekuendesa kujeri munhu anenge atsautsira, asi kuti abhadhariswe faindi, kana kuti pane dzimwe mhosva, paramende itsvage rubatsiro rwehofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, kwete kuti iyo paramende itonge nhengo iyi.

Mukokeri wenhengo dzeMDC T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti kunyange hazvo vasati vaona bhiri iri, vanotsigira pfungwa yekuti matare edzimhosva atore iwo masimba ekuranga nhengo dzinenge dzatsautsira, kwete kuti vadare varangane pachavo.

VaGonese vanoti dzimwe nguva vadare muparamende vanotonga mhosva vachitarisa kuti munhu abuda mumba maani kana kuti ane ruvara rwakadii.

Nyaya inouya mupfungwa dzevakawanda ndeye vaive mumiriri weChimanimani mudare iri, VaRoy Bennett veMDC-T, avo vakakandwa mujeri mugore ra 2005 vachipomerwa mhosva yekurova vaive gurukota rezvemitemo panguvayo, VaPatrick Chinamasa.

Paramende yakakanda VaBennett mujeri kwegore rose, danho rakaonekwa nevakawanda senzira yekupfidzisa vanopikisana nebato reZanu PF.

Asi VaGonese vanoti zvanga zvatora nguva yakanyanya kureba pasati pabatanidzwa mitemo iyi, vachiti izvi zvaifanirwa kunge zvakaitika kare pakangotambirwa bumbiro remitemo idzva.

Bhiri iri rave kutarisirwa kuverengwa muparamende kekutanga risati razeyiwa nekomiti yeparamende inoona nezvemitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG