Accessibility links

Breaking News

Mumwe Aive Mushandi weHurumende Opikisa Kudzingwa Kwake Basa Achinzi Ingochani


Nhengo dzesangano reGALZ dzinoti dzinogara dzichishungurudzwa nekusungwa nemapurisa
Nhengo dzesangano reGALZ dzinoti dzinogara dzichishungurudzwa nekusungwa nemapurisa

Munyaya inogona kuve iri iyo yekutanga yakadai munyika, mumwe murume akadzingwa basa rake muhurumende achinzi anoita zvehungochani, ari kupikisa kudzingwa kwake basa uku kudare revashandi nemabasa, reLabour Court.

Mapepa emudare aonekwa neStudio 7 anoratidza kuti VaRaymond Sibanda, avo vaishanda sayouth officer mubazi revechidiki, vakadzingwa basa gore rakapera mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekusazvibata zvakakodzera.

Izvi zvakaita mushure mekunge VaSibanda vasungwa vakabhadhara faindi yemhosva yekuwanikwa vachiita zvinhu zvinonyadzisa paruzhinji kana kuti “performing an indecent act in a public place”.

VaSibanda vakasungwa pamwe chete nevamwe vanhu vaive paChristmas Party yakaitwa nesangano reGays and Lesbians Association of Zimbabwe pane imwe hotera muBbulawayo pakupera kwa2013.

Magweta ekambani yeDube-Banda, Nzarayapenga and Partners ari kumirira VaSibanda achidoma bazi rePublic Service Commission negurukota rezvevechidiki saivo vanhu vane chekuita nenyaya iyi, vanoti havaifanirwa kudzingwa basa sezvavakaitwa.

VaSibanda vanoda kuti dare ripe mutongo panyaya yekuti kubhadhara kwavakaita faindi mushure mekusungwa kwavaive vaita kunoreva kuti vaiita zvechingochani here kana kuti kwete.

Vanopikisa kuti havafanirwe kudzingwa basa kuchishandiswa humbowo hwekuti vakasungwa vakabvisa faindi sezvo humbowo uhu husingafanirwe kutambirwa nekuti hahuburitse chokwadi chakazara.

VaSibanda vanoti dai vaiita zvehungochani panguva yavakasungwa, izvi ndizvo zvaifanirwa kubuda pamhosva yavakapomerwa nemapurisa, asi vanoti mapurisa haana kunyora mhosva iyi nekuti vaiziva kuti hakuna mhosva inosungirwa munhu akaita zvehungochani mumitemo yeZimbabwe, vachitizve mapurisa akavatsvagira mhosva isipo.

Kune rimwewo divi, mumapepa avo emudare vebazi rePublic Service Commission vanoti semunhu anoshanda basa rehurumende rinovasanganisa neveruzhinji VaSibanda vaifanirwa kuve munhu ane hunhu hwakanaka vasingaite zvehungochani, vachiti nekuda kwekuti vakabvuma mhosva yavakapomerwa kumapurisa, izvi zvinoreva kuti vaiita zvehungochani.

Vebazi iri vanoti vakaona zvakakodzera kudzinga VaSibanda basa senzira yekuratidza kuti hurumende, kuburikidza nebazi iri, haitenderi zvehungochani, vachiti kusaita izvi kwaizopa pfungwa dzisina kunaka kune veruzhinji.

Mitemo yemuZimbabwe inorambidza michato pakati pemunhurume nemunhurume kana pakati pemunhukadzi nemunhukadzi asi hapana zvainotaura zvakajeka pamusoro pezvehungochani.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanowanzotora nguva pavanotaura kuruzhinji yekushora zvehungochani.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG