Accessibility links

Breaking News

UNDP Inopa Zimbabwe Mari yeChikafu Zvichitevera Chikumbiro cheHurumende


Vanhu vakawanda munyika vanonzi vari kutarisira rubatsiro rwechikafu kubva kuhurumende
Vanhu vakawanda munyika vanonzi vari kutarisira rubatsiro rwechikafu kubva kuhurumende

Mukuru wesangano reUnited Nations Development Programme kana kuti UNDP muZimbabwe VaBishow Parajuli vanoti sangano ravo riri kutsvagira Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi matatu yekutenga chikafu.

VaRapajuli vanoti parizvino UNDP yakatounganidza mari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu kubatsira vanhu vanosvika miriyoni imwe chete kuti vawane zvekudya.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa neChipiri nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevatori venhau apo vakazivisa kuti nyika inoda mari inoita bhiriyoni rimwe chete nechidimbu remadhora kuti ikwanise kutenga chikafu chine huremu hunosvika matani miriyoni nemazana mana ezviuru.

Mukuru wesangano rinobatsira nechikafu munyika, reChristian Care, Reverend Stanlus Chatikobo vanoti hurumende yatora danho rakanaka rekutanga kupemha ichi tsvaga rubatsiro rwechikafu.

VaChatikobo vanoti danho rehurumende iri rinovhurira masangano akaita seravo kuti vatangewo kupemhera nyika.

"Sangano redu rave kutangawo kuchitsvaga rubatsiro kunyange hazvo gwaro ratinosimirira reZimVac risati rabuda," Vanodaro Reverend Chatikobo.

Vanoti sangano ravo harisati zvari ratanga kupa chikafu asi rine matunhu akaita seLupane ariri kubatsira nezvirongwa zvemari yekuti vanhu vakwanise kutenga chikafu.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti hurumende inogona kunge yakati nonokeyi kuzivisa nezvedambudziko rechikafu, sezvo nyika dziri kutsvaga rubatsiro dzakawanda.

Svondo rapera hurumende yakabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu mushure medanho rakatorwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe rekutara nzara iyi sedambudziko rakaipisisa.

Vachitaura mashoko aVaMugabe svondo rapera, gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere vakati nyika yakawana mvura yekunaya iri pasi pe zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana zvemvura ino tarisirwa makore ose.

Vakatiwo mvura mumadhamu mazhinji emunyika yadzikira zvikuru, izvo vakati ndizvo zvasvitsa VaMugabe pakuti vatore matanho aya.

Vakati VaMugabe vatara matunhu akanyanyobatwa nemhare sematunhu anoda rubatsiro rwechimbichimbi kubva musi wa 2 kukadzi unove mwedzi uno.

VaKasukuwere vakazivisawo mumashoko avo aya kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana mana ezviuru vanoda rubatsiro rwechikafu nechimbichimbi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG