Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokururdzirwa Kuisa Mari Yakwanda muKurima


Hurumende inonzi haisi kubatsira varimi vemunyika zvakanyanya izvo zvinonzi zviri kuita kuti goho ridzikire
Hurumende inonzi haisi kubatsira varimi vemunyika zvakanyanya izvo zvinonzi zviri kuita kuti goho ridzikire

Mamwe masangano evarimi ari kukurudzira hurumende kuti iise mari yakawanda munyaya dzekurima pairi kuita bhajeti rayo regore rinouya.

Richipa pfungwa dzaro kuhuruongwa hwebhajeti ra2015, sangano reCommercial Farmers Union rinoti hurumende iri kurasa mari yakawanda nekuzotenga chikafu kubva kunze kwenyika, pane kuti dai yaisa mari yose iyi mukubatsira varimi vemunyika.

Mutungamiri wesangano reCommercial Farmers Union, VaHendrik Olivier, vaudzawo Studio 7 kuti sangano ravo ragara richipa pfungwa iyi kuhurumende asi hurumende haisi kuitambira.

Mashoko aya akatsinhirwawo nerimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers Union, iro rinotiwo rave nenguva richiiudza hurumende nezvehurongwa hwarinoti hunobatsira nyika uhwu.

Nhengo yesangano iri, VaJeremiah Tevera, vanoti hurumende inotambira kurudziro iyi asi ichikundikana kuizadzisa sezvo isina mari.

Hurumende yave nemakore akati kuti ichiwedzera chikafu chemunyika kuburikidza nekutenga kubva kunze, izvo zvononzi zviri kuita kuti irasikirwe nemari yakawanda.

Mwaka uno hurumende haina kupa varimi rubatsiro rwainosimbopa rwembeu nefotereza, izvo zvinonzi naVaTevera zvichatoita kuti varimi vaderedze nzvimbo dzekurima.

Mitengo yembeu nezvimwe zvinodiwawo pakurima inonzi yakakwira zvakanyanya gore rino uye varimi vakawanda vanonzi vari kukanganiswawo nekushomeka kwemari iri kutenderera munyika.

Hurukuro naVaJeremiah Tevera
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG