Accessibility links

Breaking News

Kurima Chibage muAmerica Kowanisa VaMukudzavhu Mari


VaPeter Mukudzavhu
VaPeter Mukudzavhu

Nyanzvi mune zvekurima, VaPeter Mukudzavhu, vari kurima chibage vari mumusha weHagerstown, mudunhu reMaryland, muAmerica, vachitengesera zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika vanodawo chibage chakaita sechekumusha.

VaMukudzavhu, avo vave nemakore mashanu vachirima vanoti vakafunga kudyara chibage chakaita sechinorimwa kumusha mushure mekunge vatadza kuwirirana nechinorimwa muAmerica, icho vanoti chinotapira zvakanyanya.

Vanoti izvi zvakaita kuti vakumbire ndima kubva kune mumwe muzvinapurazi, uyo akavapa maeka mashanu avari kurima pari zvino.

Murimi uyu anovabatsirawo nezvinhu zvakaita semichina yekurimisa pamwe nekudirwa kwemishonga inodiwa.

VaMukudzavhu vaishanda semurimirisi vachiri kumusha, uye, sezita remadzitateguru avo, zvekukudza ivhu izvi zviri muropa ravo kunyange hazvo vaine rimwe basa rinovararamisa ivo nemhuri yavo.

Asi vanoti matambudziko makuru avari kusangano nawo mubasa ravo kudhura kunoita vashandi vekuti vavabatsire kukohwa.

“Munongozivavo kuti muno kubhadhara vashandi kunodhura, saka izvi zvinoita kuti tirime paduku,” VaMukudzavhu vanodaro.

VaMukudzavhu vanoti tarisiro yavo mune ramangwana ndeyekurima zvirimwa zvakasiyana siyana zvinosanganisira chibage, muriwo wemuboora pamwe nederere kuitira kuti vawanise hama neshamwari zvose zvavaidya vachiri kumusha.

VaMukudzavhu vanoti vanotarisirawo kuti gore rinouya vanenge votangawo kutengesera vezvitoro chibage nezvimwe zvavanenge vorima.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG