Accessibility links

Breaking News

Varimi Vatsva kuMazowe Vochema neKushaya Zvekushandisa muKurima


Varimi vazhinji vanonzi havana zvekurimisa
Varimi vazhinji vanonzi havana zvekurimisa

Varimi vatsva vakapihwa minda munharaunda yeMazowe mudunhu reMashonaland Central vakati vane dambudziko rekushayiwa mari yekushandisa mukurima zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Varimi vatsva ava, avo vakapihwa minda pasi pechirongwa chekugoverwa ivhu patsva, vanoti kubva pavakapihwa minda pakatanga chirongwa ichi muna 2000 vari kufara zvikuru kuti vavakukwaniswa kuzvirova matundundu vachiti vave varidzi vevhu munyika yavo yechipikirwa.

Studio 7 yakaita rombo rakanaka ikaswera iri papurazi raVaBaldwin Mazango riri muMazowe makare pavanorima chibage, magaka, magwiri pamwe nekuchengeta huku.

VaMazango vati chiri kuvanetsa kazhinji imari yokushandisa mukurima vachiti ivo nevamwe vavo vakavakomberedza vari kutadza kushandisa minda yavakapihwa zvakakwana vachiti homwe dzavo dzakabooka zvekuti havakwanise kutenga zvavanenge vachida kushandisa muminda yavo.

Nekuda kwekutadza kuri kuita varimi kuwana zvikwereti kumabhanga pamusana pekuti vanenge vasina zvibatiso kumabhanga kuti vapihwe zvikwereti izvi, VaMazango vari kukurudzira kuti vekunze vanoda kuzosima mari vatarisewo nyaya dzekushanda pamwechete nevarimi vatsva.

Munyori anowona nezvekurima muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaValentine Ziswa, vati varimi vatsva vanofanira kupihwa magwaro ekuti ndivo varidzi veminda, kana kuti ma title deeds, kuti vakwanise kutora zvikwereti zvinozoita kuti vawane mari dzekushandisa mukurimisa.

Zvichakadai, VaMazango vatiwo rimwe dambudziko riri kusangana nevarimi muMazowe kushayikwa kwemagetsi zviri kukonzera kuti vatadze kudiridzira mbesa dzavo sezvo kunze kuri kupisa mazuva ano.

VaZiswa vati varimi vazhinji havana ruzivo rwakadzama panyaya dzekurima saka nokudaro vakurudzira hurumende kuti iwone kuti yasimbaradza bazi rezvekurima kuitira kuti varimisi vazhinji vakwanise kuita basa ravo.

Pamusana pekuti havana zvekushandisa, VaZiswa vati varimisi vazhinji munyika vari kuswera vakaisa maji mudenga.

Zvichakadai, VaMazango vati vari kufara zvikuru kuti pane mamwe makambani akauya achivabatsira neruzivo.

VaJeremiah Gwanzura avo vanoshanda neimwe kambani iri kubatsira varimi ava neruzivo vatiwo vari kutsvagirawo varimi ava kwekutengesera zvinhu zvavo.

Nerubatsiro rwavari kuwana kubva kuna VaGwanzura nevamwe vavo, vave kutarisira kuti goho ravo rikabuda rakakura mwaka uri kutevera vanogona kutengesa zvirimwa zvavo kunze kwenyika zvavati zvinogona kuvapa mari yakawanda.

Zvichakadai, gurukota rezvekurima VaDouglas Mombeshora vakazivisa kuti hurumende ichabvisa varungu vese vasara mumapurazi kuti mapurazi aya agoverwe kuvanhu vatema.

Asi VaZiswa vati kungopamba mapurazi asiri kushandiswa nemazvo hakuna zvakunobatsira nazvo nyika.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakati vakapihwa minda vasiri kuishandisa zvizere vanofanira kuitorerwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzati hupfumi hwenyika hunogona kuramba hwakagwadama kana varimi vasiri kushanda zvakasimba sezvo hupfumi hwakabatwa nenyaya dzekurima.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG