Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzira Kushandiswa Magwenya eZuva


Kuiswa kwema solar panel paimba
Kuiswa kwema solar panel paimba

Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichioma munyika, zvikuru sei nekushaikwa kwemagetsi pamusoro pemamwe matambudziko agara akatarisanawo nenyika.

Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Suppy Authority, ZESA, yakatozivisa vagari kuti vachange vachishaiwa magetsi munguva dzayakatara, dzingangosvika maawa manomwe pazuva, asi vazhinji vari kutaura neStudio 7 vanoti magetsi munzvimbo dzavanogara ari kudzimwa kwenguva dzinotodarika maawa makumi maviri pazuva.

Vamwe vanototi vave nemazuva matatu vasina magetsi.

Mukuedza kurerutsa dambudziko iri, gurukota rehurumende VaSamuel Undenge neChitatu vakakurudzira vanhu kuti vachinyanya kushandisa moto wezuva, kana kuti solar energy seimwe nzira yekuwana nayo magetsi sezvo emvura ave kunetsa.

Asi vamwe vanoti kurudziro yehurumende iyi haina zvainoreva sezvo pasina hurongwa hwekuti vanhu vangawana sei magetsi ezuva aya kana hurumende isina kuvapa zvekushandisa zvacho.

Mvura mudhamu reKariba, uko kunogaiwa magetsi, inonzi yadzikira zvakanyanya izvo zvoita kuti itadze kutenderedza magwenya anozogaya magetsi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti dambudziko rose iri riri kubva pakuti hurumende iri kukundina kuona matambudziko achiri kure.

VaMaguwu vanoti dai hurumende yakachenjera ingadai yakaita kuti matunhu ose azvibikire oga magetsi awo, sezvo aine madhamu asina zvaari kuita.

“Muchitaura Masvingo kunana Lake Mutirikwi, Manicaland kunana Osborne Dam, saka hurumende yedu ihurumende isingatarisi mangwana,” vanodaro VaMaguwu.

Vanotiwo nyika inokwanisa kubata moto wezuva ichishandisa kuita magetsi, sezviri kuitwa nenyika dzakawanda dzisina magetsi anogayiwa nemvura.

Nyanzvi munyaya dzemoto wezuva, vachishanda nekambani ye Exempla Solar Systems iri kuBulawayo, VaTendai Mukucha vanoti izano rakanaka riri kukurudzirwa nehurumende rekuti vanhu vatange kushandisa zvakanyanya moto wezuva.

Asi VaMukucha vanoti dambudziko riri pakuti vanhu vese vanokwanisa here kuzowana zvikwanisiro zvinodiwa kuti munhu awane magetsi e solar.

Vanoti vanofara nedanho ratorwa nehurumende sezvo zvichireva kuti kana yakurudzira kushandiswa kwemoto wezuva, naivovo zvinovasimudzira.

“Asi takatarisa kuhurumende, tinenge takatarisawo matanho anotibatsira sevano provider equipment,” vanodaro VaMukucha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG