Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeSouthern African Women in Education Network Dzinoita Zvisungo


Madzimai ari mumasangano evarairidzi emudunhu rekuchamhembe kweAfrica, pasi pesangano remubatanidzwa reSouthern African Women in Education Network, apeta musangano wavo wemazuva maviri muHarare.

Musangano uyu, uyo wakatanga neMuvhuro, unonzi wapindwa nenhengo dzemasangano anobva munyika dzinoti Zimbabwe, Zambia, South Africa, Lesotho, Malawi, Ghana, Mozambique, Swaziland, Botswana neNamibia.

Nyaya hombe dzakurukurwa pamusangano uyu dzinonzi dzinosanganisira kusimudzirwa kwemadzimai kuti vave pachikero chimwe nevanhurume panyaya dzedzidzo, mumabasa uye mukumirira varairidzi kwavanoita kumasangano avo.

Musangano uyu, uyo wanga uri wekutanga pasi pemubatanidzwa uyu, unonzi wabuda nezvisungo zvinosanganisira kutorwa kwematanho anopedza zvimhingamipinyi zviri kutadzisa madzimai kuwaniswa mikana iyi.

Amai Hillary Yuba, avo vanoona nezvekusimudzirwa kwemadzimai musangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe vanoti zvimwe zvezvisungo zvabuda mushure memusangano uyu ndezvekuti vanasikana nevanakomana vawaniswe mikana yakaenzana munyaya dzedzidzo.

Hurukuro naAmai Hillary Yuba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG