Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yatanga Chirongwa Chekuzadzikisa Bumbiro reMitemo Rino Cherechedza Mitauro Yose Munyika


VaLazarus Dokora
VaLazarus Dokora

Hurumende yatanga chirongwa chekuzadzikisa bumbiro remitemo rinocherechedza mitauro gumi nemitanhatu kusanganisa rurimi rweTonga.

Vagari vekuBinga, mudunhu reMatabeleland North vanoti vane mufaro wakanyanya zvichitevera kucherechedzwa kwemutauro wavo, uyo vanoti waitarisirwa pasi zvakanyanya.

Gurukota rezvedzidzo yepasi VaLazarus Dokora vakati vari pakati pekutsvaga vadzidzisi vemitauro yese gumi nemitanhatu inocherechedzwa mububiro remitemo.

VaDokora vakati vari kutora vanhu vane madhigirii emitauro yakasiyana siyana vovaendesa kuchikoro chepamusoro kuti vadzidziswe nezvehudzidzisi pavanenge vari pazororo.

VaDokora vakatiwo pari zvino vane vadzidzisi mazana maviri nemakumi maviri vari pasi pechirongwa ichi.

VaBenard Malaba, vanove mugari wekuBinga uye vachitaura mutauro weTonga, vanoti kucherechedzwa kwemutauro weTonga kunodzoreredza hunhu hwevanhu veChitonga sezvo marudzi achi cherechedzwa zvikuru nekuda kwemutauro wavo.

Vanoti vanofara nedanho rakatorwa neruzhinji rwevanhu apo vakapa pfungwa dzavo painyorwa bumbiro remutemo wenyika.

Asi VaMalaba vanoshora hurumende nekumbomisa kudzidziswa kweChitonga munyika apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere.

Vanoti vanhu veChitonga vaidzidza mutauro wavo kubva kumabhuku aibva kunyika yeZambia kubva mugore ra1974 kusvika 1980.

Mumwe mugari wekuMariba VaClemence Machacha, avo vanotaura Chitonga vanoti mutauro wavo haufanirwe kudzidziswa kunzvimbo yeBinga chete asi munyika yose.

VaMachacha vanoti mutauro weChitonga wakapfuma zvikuru sezvo Chitonga chichinzvisiswa nemarudzi akawanda anosanganisira Chindevere, Chivhenda pamwe nemitauro yakawanda yekuZambia.

Chitonga chakatanga kudzidziswa makore mana apfuura muzvikoro zvepamusoro mudunhu reBinga.

Asi rino rave gore retatu mutauro uyu uchidzidziswa mugwaro repasi repuraimari vana vechikoro munzvimbo yeBinga vari kutanga kunyora bvunzo mururimi urwu gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG