Accessibility links

Breaking News

Makambani Akawanda Okundikana Kuvhura Gore Rino Mamwe Achivharwa?


Makambani akwanda anonzi anogona kukundikana kuvhura zvakare gore rino
Makambani akwanda anonzi anogona kukundikana kuvhura zvakare gore rino

Gore rino rinonzi harina kutanga zvakanaka mumakambani akawanda munyika sezvo mamwe akakundikana kuvhura kana kuti akaderedza huwandu hwevashandi kubva pakatanga gore rino ra2015.

Munyori mukuru wesangano revashandi vemumabhanga reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, VaPeter Mutasa, vanoti mabhanga gore rapera chete akarasikirwa nevashandi chiuru chimwe chete kubva muvashandi zviuru zvitanhatu zvaive zviri pamabasa.

VaMutasa vanoti gore rino chete vashandi vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu vatorasikirwa nemabasa zvichitevera kuvhara kwebhanga reAllied Bank.

Sangano iri rinotiwo kana nhaurirano dzekuedza kuponesa rimwe bhanga dziri kuitwa dzikakundikana mukati memazuva gumi ari kutevera, zvinenge zvoreva kuti vamwe vashandi zana nemakumi matatu vanenge vorasikirwa nemabasa avo zvakare.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanotiwo dambudziko rekurasikirwa kwevanhu nemabasa harina kubata mabhanga chete asi kuti rakabata makambani ose ari kutatarika.

VaChitambara vanoti dambudziko guru ndere kushaikwa kwemari iri kutenderera munyika, uye kusajeka kwemitemo yezvemabhizimusi.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinotiwo hurongwa hwekuvandudza mitemo yemabasa huri kuda kuitwa nehurumende huchatoita kuti vashandi vakawanda varasikirwe nebasa sezvo huchipa vashandirwi masimba ekupinza kana kuburitsa munhu basa paanodira.

Hurukuro naVaProsper Chitambara pamwe naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG