Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vonetseka neKusamira Zvakanaka kwezveHupfumi


Makambani akawanda emunyika anonzi ari kuvhara nekuda kwekuoma kwezvinhu
Makambani akawanda emunyika anonzi ari kuvhara nekuda kwekuoma kwezvinhu

Kusamira zvakanaka kwenyaya dzeupfumi munyika kunonzi nevakawanda ndicho chirwere chichatemesa musoro hurumende pamwechete neveruzhinji mugore rino sezvo pachinzi pari kushaiwa mushonga ungachipedza.

Dambudziko remari, iro rainyanyoonekwa kumakambani madiki neari pasi rinonzi pari zvino ratandirawo nemutsinga dzehurumende, izvo zvave kuita kuti itadze kana kuziva kuti vashandi vayo yovapa mihoro yavo riinhi.

Vashandi vakawanda vehurumende nanhasi havasati vawaniswa mari dzemabhonasi, izvo zvoita kuti vakoti navanachiremba vanyunyute.

Mwena yemari yaisimbocherwa nehurumende yakaita semangoda nbezvimwe zvicherwa inonzi yave kuomera, zvave kuita kuti hurumende ingotarisira kubva kumari dzinowanikwa kuma toll gate.

Vamwe vanoongorora zveupfumi pamwe nevezvematongerwo enyika vanoti dambudziko iri riri kuramba riripo nekuda kwemitemo yakadzikwa nehurumende pamabatiro ayo nyaya dzemabhizimusi ekunze anoda kuzosima mari dzawo munyika.

Vamwewo ndivo vari kuvenga huwori muhurumende nemumakambani kuti dzihwo hwavavisa mupeta.

Nyanzvi mune zveupfumi VaMasimba Kuchera avo vanoshanda nesangano reCentre for Disability and Development vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona mukuzivisa vanhu nezvemamiriro ezvinhu sezvinoitwa negurukuto rezveupfumi VaPatrick Chinamasa.

VaKuchera vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa nehurumende kushandura mitemo inobata vekunze vanoda kuvamba mabhizimusi avo munyika sezvo iripo pari zvino iri kudzinga vanoda kudyara mari dzavo munyika.

VaCharles Mutasa vanove nyanzvi mune zveupfumi pamwe nezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira vatsinhirawo mashoko aVaKuchera aya vachiti zvinhu zviri kunyanyoomeswa nekuvharwa kuri kuramba kuchiitwa makambani munyika.

Hurukuro naVaCharles Mutasa pamwe naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG