Accessibility links

Breaking News

Bhanga Guru reNyika Rinoparura Mari yeNdarama


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vaparura mari yendarama ichashandiswa munyika senzira yekurerutsira vanhu panyaya yechenji.

Mari yemasendi iyi, iyo iri kuzivikanwa nezita rekuti special coins, inosvika mamiriyoni gumi emadhora uye yakadhindwa kuSouth Africa ichipiwa huremu hwunoenderana nemari yekuAmerica.

Mari yekuAmerica imwe yemari dzekunze dziri kushandiswa munyika pari zvino kusanganisirawo yekuSouth Africa, Botswana, Britain, India neAustralia.

VaMangudya vanonzi vazivisawo kuti bhanga ravo richaita hurongwa hwekudzidzisa veruzhinji pamusoro pemari itsva iyi, iyo iri kutarisirwa kutanga kushandiswa pakati pemwedzi uno.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti danho ratorwa nenyika iri idanho rinokudzwa sezvo richabatsira kurerutsira vanhu.

Doctor Kanyenze vanotiwo kushanidswa kwemari yendarama iyi kunobatsirawo mukudzikiswa kwemitengo yezvinhu zvinonzi zvanga zvichikwidzwa nevanotengesa vachipa zvikonzero zvekushaiwa mari yechenji.

Imwe nyika iri kushandisawo rudzi rwemari yespecial coins inyika yeEcuador, iyo inoshandisawo mari yekuAmerica kubva mugore ra 2000.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG