Accessibility links

Breaking News

CZI Inoti Zvigadzirwa zveMunyika Zvadzikira


ZCTU inoti zvinhu zvekunze ndizvo zvichazara zvakare muzvitoro zvemunyika zviine mitengo yepamusoro
ZCTU inoti zvinhu zvekunze ndizvo zvichazara zvakare muzvitoro zvemunyika zviine mitengo yepamusoro

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti zvigadzirwa zviri kubva mumakambani ari munyika zviri kuramba zvichidzikira zvichikonzerwa nekuoma kwezvinhu munyika.

Sangano iri neChitatu rakaburitsa gwaro reongororo yemashandiro emakambani anogadzira zvinhu yarakaita mumatunhu aro mana anoti Mashonaland, Matebeland, Midlands neManicaland.

Gwaro iri rinoratidza kuti zvigadzirwa zvakaderera nezvikamu zvitatu nezvidimbu zvitatu kubva muzana (3.3%).

Sangano iri rinotiwo zvimwe zvikonzero zvekuderera uku kudzimwadzimwa kwemagetsi, kushomeka kwemari iri kutenderera munyika, uye kudzikira kwevanoda zvigadzirwa zvemunyika.

CZI inotiwo zvakabuda muongororo iyi zvinoratidza kuti makambani akawanda ari kushanda ari pasi pezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti zvakaburitswa muongororo iyi ndizvo zvaragara richitaura kuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka mumakambani, zvichionekwa nekumiswa kuri kuitwa vanhu mabasa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti izvi zvichaita kuti zvinhu zvinobva kunze zvitange futi kuwanda munyika, iyo hurumende yakakwidza mitero yekupinza zvigadzirwa zvekunze, izvo zvonozoomesera zvakanyanya varombo pamwe nevashandi vose vari kumiswa mabasa.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG