Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvinogadzirwa Kunze Zvokwidzirwa Mutero


Dzmwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti zvimwe zvinhu zvichatanga kushaikwa muzvitoro nekuda kwekukwidzwa kwemutero uku
Dzmwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti zvimwe zvinhu zvichatanga kushaikwa muzvitoro nekuda kwekukwidzwa kwemutero uku

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hurumende yakakasika kukwidza mutero unobhadhariswa zvinhu zvekunze zvinoshandiswa mazuva ose munyika, kana kuti surtax, sezvo danho iri richaita kuti zvinhu zvizhinji zvishaikwe munyika

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hurumende yakakasika kukwidza mutero unobhadhariswa zvinhu zvekunze zvinoshandiswa mazuva ose munyika, kana kuti surtax, sezvo danho iri richaita kuti zvinhu zvizhinji zvishaikwe munyika.

Mwedzi wapera, hurumende yakakwidza kubva pazvikamu gumi kubva muzana zvemari yemitero pazvigadzirwa zvakaita semafuta ekubikisa, majarini, sipo dzekugezesa nekuwachisa nezvimwe, kuenda pazvikamu makumi mana kubva muzana, nechinangwa chekuchengetedza makambani emunyika anogadzirawo zvinhu izvi.

Asi danho iri rinonzi rave kuita kuti mamwe makambani, zvikuru ekuSouth Africa anga achipinza zvinhu munyika amire kuita izvi achiti mutero wanyanyisa kukwira.

Panguva imwecheteyo, hurumende yakawedzerawo zvinhu zvinopinzwa munyika zvichida marezinesi, kana kuti import licences, kubva pazvipfumbamwe kuenda pagumi nezvitanhatu nedanho rimwe kchetero rekuchengetedza makambani emunyika.

Zvimwe zvezvinonzi zvave kuda marezinesi zvinosanganisira mukaka, mbatatisi, matomati, simende, sipo nezvimwe.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera vanoti danho rakatorwa nehurumende iri rinogona kuwedzera huwori kana kupinzwa munyika kwezvinhu zviri kunze kwemutemo.

Zviri kubva kusangano reZimbabwe Statistical Agency zvinoratidza kuti nyika yakatenga zvinhu zvemari inoita $3.4 billon mukati memwedzi gumi nemumwe yegore ra 2013, zvizhinji zvezvinhu zvaitengwa kunze izvi zvichisanganisira zvekudya, mbatya, dzimotokari tsaru nemafuta edzimotokari.

Zvitengeswa zvakabudawo munyika zvinonzi zvinoita $3.25 billon uye zvizhinji zvacho zviri zvicherwa nefodya.

XS
SM
MD
LG