Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaDzamara Yoronga Munamato neMugovera


Polisi menangkap para pengunjuk rasa yang berpawai pada Hari Buruh di Istanbul, 1 Mei 2017.
Polisi menangkap para pengunjuk rasa yang berpawai pada Hari Buruh di Istanbul, 1 Mei 2017.

Mhuri yemurwiri wekodzero akapambwa ndokutsakatika muna Kurume, VaItai Dzamara, inoti munamato wekunamatira VaDzamara, uyo wakambenge wasendekwa parutivi mwedzi wapera, wave kuitwa neMugovera muZimbabwe Grounds, mumusha weHighfield muHarare.

Mutauriri wemhuri yekwaDzamara, Doctor Patson Dzamara, vanoti hurongwa uhwu huri kutungamirwa nemhuri ichibatsirana naBishop Ancelimo Magaya, vechechi yeGrace Ablaze Ministries International.

Hurongwa uhwu hunonzi huri kutarisirwa kutanga nenguva dzegumi mangwanani huchipera nenguva dzemasikati.

Doctor Dzamara vanoti vakakoka vemasangano akazvimirira pamwe nemapato ose ezvematongerwo enyika, nevana veZimbabwe vose vanoda kubatana navo mukunamatira hama yavo yakapambwa musi wa 9 Kurume gore rino.

Hurongwa hwemunamato uhwu hwakatadza kubudirira muna Chikumi mushure mekunge mapurisa ati akanga asingakwanisi kuvabatsira uye ati aive nehumbowo hwekuti vezvematongerwo enyika vakanga vatora hurongwa uhwu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG