Accessibility links

Breaking News

Vakaronga Munamato waVaDzamara Vanofadzwa neKubudirira Kwawo


VaItai Dzamara vachiratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare
VaItai Dzamara vachiratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare

Mumwe wevakarongwa kunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti vanofadzwa nekubudirira kwakaita hurongwa hwemunamato wavakaita neMugovera kuZimbabwe Grounds mumusha weHighfield muHarare.

Bishop Magaya vanoti chikuru chakabuda pamusangano uyu kutsamwa kwevanhu nenyaya yekupambwa kwaVaDzamara, uye kurudziro yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaudze mapoka avo ekuchengetedzwa kwemutemo kuti atsvage murwiri wekodzero uyu.

Vanotiwo vanofara nekutambirwa kwakaitwa shoko ravo rekukoka vezvematongerwo enyika, kunyange hazvo mamwe mapato asina kubudirira kuzovepo pamunamato uyu.

Bishop Magaya vanoti vezvematongerwo enyika ava vakasainawo gwaro rechibvumirano cherunyararo, chekuti VaDzamara vadzorwe kumhuri yavo vari vapenyu, uye kuti zvinhu zvakadai zvisazoitika zvakare munyika inofanirwa kunge ichiremekedza kodzero dzevanhu.

Gwaro iri rinonzi rakasainwa naVaDydimus Mutasa vakamirira People First kunyange hazvo ivo mbune vasina kupinda mumunamato uyu.

Vamwe vakasaina mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri weMavambo-Khusile-Dawn, VaSimba Makoni, mutungamiri weNCA VaLovemore Madhuku, VaTendai Biti veMDC Renewal Team, Amai Emilia Mukaratirwa vakamirira ZAPU, pamwe nemutungamiri weTtransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.

Munamato uyu wakabatanidzawo vamwe vezvematongerwo enyika vanosanganisira vakadzingwa muZanu PF, VaTemba Mliswa pamwe nevaive mutungamiri wevakarwa hondo, VaJabulani Sibanda.

Asi Bishop Magaya vanoti havana kufara nedanho remapurisa rekuda kuvarambidza kuita musangano uyu kuburikidza netsamba yavakapihwa neChina.

Asi vanoti vakazoisa nyaya iyi kudare repamusoro iro rakati neChishanu manheru musangano uyu uenderere mberi.

“Ndakanga ndisina kukudzai pataitaura tese paya kuti mapurisa akanga atipa tsamba nemusi weChina yekutirambidza kuenderera mberi nemunamato uyu,” Bishop Magaya vanodaro.

“Taitya kuti vanhu vangabva vatya kuzoenda kumunamato uyu, asi tinofara zvikuru nekuti vanhu vakaratidza kushinga kwavo.”

Munamato uyu unonzi wakapindwa nemazana nemazana evanhu kubva mumapoka akasiyana siyana anosanganisira vemasangano akazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG