Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaDzamara Yotarisa Kuna VaMugabe Mukutsvagwa kwaVaItai Dzamara


Mudzimai waVaItai Dzamara, Amai Sheffra Dzamara nevana vavo pamwe nemunin'ina waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara
Mudzimai waVaItai Dzamara, Amai Sheffra Dzamara nevana vavo pamwe nemunin'ina waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara

Vari kutungamira hurongwa hwekunamatira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vanoti vave kurongwa kukwira kumatare edzimhosva mushure mekunge mapurisa akapakata zvombo avarambidza kuita munamato munhandare yeMandava kuZvishavane neMugovera.

Mumwe wevari kuronga minamato iyi, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti vanotarisira kuti neChipiri magweta avo anenge apedza gadziriro yawo yekuti vaende kumatare edzimhosva.

NeMugovera mapurisa kuZvishavane anonzi akatadzisa munamato wekuti vanhu vanamatire VaDzamara achiti munamato uyu wakanga wave kutungamirwa nebato reMDC T, kunyange hazvo mapurisa aya akambenge aziviswa achibvuma kuti munamato uyu uenderere mberi.

Pasi pebumbiro remitemo yenyika, mapurisa haana masimba ekurambidza vanhu kuungana asi chete kuti vanofanirwa kungoziviswa.

VaDzamara vave nemwedzi mishanu vapambwa mumusha weGlen View muHarare nevanhu vasingazivikanwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mhuri yekwaDzamara yasvitsa gwaro renyunyuto kana kuti petition kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nekumutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, ichichema nerekuti hurumende haisi kuita zvakakwana mukutsvaga murwiri wekodzero uyu.

Mudzimai waVaDzamara, Amai Shefra Dzamara nemunin’ina wavo, Doctor Patson Dzamara, ndivo vaendesa gwaro iri kumahofisi aVaMugabe kuMunhumutapa nekuparamende.

Doctor Dzamara vanoti vanoda kuti VaMugabe vapindire semutungamiri wenyika pakutsvagwa kwemukoma wavo.

Vanoti kunyange hazvo VaDzamara vaikurudzira kuti mutungamiri wenyika asiye chigaro, zvakakoshawo zvakare kuti kodzero dzavo sechizvarwa cheZimbabwe dziremekedzwe, sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Zvichakadaro, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, uye vari gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakaudza musangano webato ravo reZanu PF kuti mapurisa pamwe nevasori vari mushishi kutsvaga VaDzamara.

VaMnangagwa vanonzi vakakumbirawo kuti maporofita pamwe nevedzichechi vanokwanisa kubatsira mukuwanikwa kwaVaDzamara vabatsire sezvo munhu wese ari kushushikana nezvakaitika kwavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG