Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaDzamara Inoti Mapurisa Akanonoka Kuisa Mubairo Kune Vanoziva Kuna VaItai Dzamara


Murwiri wekodzero VaItai Dzamara
Murwiri wekodzero VaItai Dzamara

Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti inotambira danho rakatorwa nemapurisa, rekuisa mari inoita zviuru gumi zvemadhora kune ani nani zvake ane ruzivo rwungaita kuti VaDzamara vawanikwe.

Asi munin’ina waVaDzamara anove zvakare mutauriri wemhuri, Doctor Patson Dzamara, vanoti mapurisa akanonokesa kwazvo kutora danho iri sezvo mukoma wavo ave nemwedzi inodarika mina apambwa.

Mukuru wedivi rematikitivha reLaw and Order kumapurisa, Assistant Commissioner Crispen Makedenge, vakazivisa kuburikidza nebepanhau reHerald kuti kuferefetwa kwaitwa nemapurisa kusvika pari zvino hakuna chakwati kwaburitsa.

Vanoti izvi ndizvo zvakaita kuti vatore danho rekuisa mubairo wemadhora zviuru gumi.

VaDzamara vaitungamira sangano reOccupy Africa Unity Square riri kukurudzira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa richiti vatadza kutonga nyika zvakanaka.

Vakapambwa musi wa 9 Kurume gore rino mumusha weGlen View nevarume vanofungidzirwa kuti vasori, uye kusvika pari nhasi hapana ati anzwa nezvavo zvakare.

Doctor Dzamara vanoti vachagara pasi nemagweta avo kuti vazeye danho remapurisa iri, uye kuti vaone kuti vangaenda mberi sei semhuri.

Masangano akazvimirira oga akaisawo mari inoita zviuru zviviri semubairo kune ani nani zvake anenge aita kuti murwiri wekodzero uyu awanikwe kwaari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG