Accessibility links

Breaking News

VaItai Dzamara Vanosvitsa Mwedzi Misere Vapambwa


VaItai Dzamara vave nemwedzi misere vatsakatika
VaItai Dzamara vave nemwedzi misere vatsakatika

Masangano anorwira kodzero dzevanhu, vedzisvondo pamwe nevanhuwo zvavo, vabatana nemhuri yekwaDzamara neMuvhuro pamunamato waitirwa muAfrica Unity Square wekurangarira murwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika mwedzi misere yapfuura, VaItai Dzamara.

Vezvematongerwo enyika vabatanawo nevamwe pamunamato uyu ndevaive mumiriri weHurungwe West, VaTemba Mliswa, avo vakadzingwa mubato riri kutonga reZanu PF.

Masangano akazvimirira ane nhengo dzapindawo mumunamato uyu anosanganisira reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Crisis in Zimbabwe Coalition, nevanotengesera mumigwagwa.

VaDzamara vakapambwa musi wa 9 Kurume gore rino mumusha weGlen View muHarare nevarume vashanu vasingazivikanwi uye kubva musi uyu kusvika pari nhasi hapana ane ruzivo rwekuti varipi.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti gungano iri rabudawo nezvisungo zvakati kuti zvinosanganisira kuti pave nekugadzikana mune zvematongerwo enyika, pamwe nekuti minamato yakadai iitwe svondo roga roga munzvimbo yairatidzira VaDzamara vari iyi.

“Pabudawo zvakare kuti mapurisa anofanirwa kuchengetedza hupenyu hwevanhu, uyezve zvakare kuti vanofanira kuchengetedza mutemo kana mitongo inenge yabva kumatare edzimhosva,” Bishop Magaya vanodaro.

Vanoti vasungawo kuti mapurisa atorerwe matanho kuburikidza nekukwira kumatare edzimhosva sezvo asiri kutevera mutongo wedare repamusoro wekuti azivise paanenge asvika nekutsvaga kwavo VaDzamara mukupera kwemasvondo maviri oga-oga.

Bishop Magaya vanotiwo mapurisa anodzivirira mhirizhonga anga akawanda kwazvo akatenderedza nzvimbo iyi asi hapana zvapo zvaitiko zvavanga nyunyuta nazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG