Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaItai Dzamara Yoronga Kusangana neVakuru veHurumende


Vatungamiri veOccupy Africa Unity Square VaItai Dzamara naVaTichaona Danho
Vatungamiri veOccupy Africa Unity Square VaItai Dzamara naVaTichaona Danho

Vari kutungamira hurongwa hwekunamatira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vanoti mhuri yavo yave kurongwa kutaura nevatungamiri venyika kuti vashandise masimba avo mukubatsira kutsvaga kuna VaDzamara.

Vari kutungamira minamato iri kuitwa munyika yose, Bishop Ancelimo Magaya vanoti vave kutora danho iri sezvo mapurisa, ayo akakomekedzwa nedare repamusoro kuti apote achizivisa nyika nepaanenge asvika mukutsvagwa kwaVaDzamara, asiri kuratidza kukoshesa basa iri.

“Tine hurongwa munguva pfupi inotevera hwekuti tidaidze kana kunogogodza pamisuwo yevanhu ava, zvikuru sei gurukota rezvemitemo uye vari mutewedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa,” Vanodaro Bishop Magaya.

“Tiri kuda kuvaudza pfungwa dzedu kuti tine chivimbo chekuti kana mapurisa akapiwa mukana wekuita basa ravo, anokwanisa kuwana Itai kana kuziva zvakaitika kwaari.”

Bishop Magaya vanotiwo munamato wavanga vakaronga kuita neMugovera kwaMutare mudunhu reManicaland wambosendekwa sezvo vasati vapedza nezvegadziriro yavo, uye pachine zvinhu zvakaita semari dzekushandisa zvavachiri kuedza kuunganidza.

VaDzamara vakapambwa musi wa 9 Kurume mumusha weGlen View muHarare nevarume vasina kuzivikanwa uye kusvika pari nhasi hapana anoziva kwavari.

Mapurisa akanzi nedare apote achizivisa veruzhinji nepavanenge vasvikwa mukutsvaga kwavo VaDzamara, asi anonzi haasi kunyatsotevedzera mutongo uyu, uyo unoti vanofanirwa kuita izvi kaviri pamwedzi.

Mapurisa akaisawo mubairo wemari uchazopiwa ani nani zvake anenge aine ruzivo nekune murwiri wekodzero dzevanhu uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG