Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaDzamara Yoshushikana neMashoko Ari Kuburitswa Pamusoro paVaItai DZamara


Murwiri wekodzero VaItai Dzamara vairatidzira vachida kuti VaMugabe vasiye basa
Murwiri wekodzero VaItai Dzamara vairatidzira vachida kuti VaMugabe vasiye basa

Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu uyo akatsakatika mazuva anoda kusvika mwedzi miviri yadarika, VaItai Dzamara, inoti kunyange iri kushushikana nemashoko ari kuburitswa, zvikuru pamadandemutande, pamusoro pekutsakatika kwavo, haisi kuzokanganiswa mutarisiro yayo yekuti vachadzoka kumba nerimwe zuva vachizobatana nemhuri yavo zvakare.

Munin’ina waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara, vanoti mamwe mashoko ari kuburitswa nevanhu mumadandaro aya anorwadza kumhuri yavo, uye vanofunga kuti ari kuburitswa nevane chekuita nekupambwa kwemukoma wavo.

Doctor Dzamara vanotiwo hapana zvitsva zvati zvavepo kubva pagwaro rekupedzisira rakasvitswa nemapurisa kudare rekuti akanga asati ava neruzivo rwutsva rwekungadai kuine mukoma wavo.

Vanotiwo magweta avo anofungidzira kuti pane zvingadai zviri kuvharidzirwa nemapurisa izvo zviri kuita kuti asanyatsobata basa ravo nemazvo.

VaItai Dzamara, avo vaitungamira sangano reOccupy Africa Unity Square, iro riri kukurudzira kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye basa nekuda kwekutadza kutonga zvakanaka, vakapambwa nevarume vasingazivikanwi musi wa9 Kurume vari mumusha weGlen View.

Asi veruzhinji vanofungidzira kuti varume ava vanogona kunge vari vasori vehurumende nekuda kwenzira yakashandiswa mukuvapamba.

VaDzamara vasvitsa mazuva makumi mashanu nemanomwe vapambwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG