Accessibility links

Breaking News

Mazuva Odarika Makumi Mana VaDzamara Vasingazivikanwi Kwavari


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Murwiri wekodzero uye vari mutori wenhau, VaItai Dzamara, nemusi weChina vasvitsa mazuva makumi mana nematanhatu vapambwa, uye mapurisa achinzi akati haana zvitsva zvaati awana zvakasiyana nezvaakazivisa kare.

Asi mapurisa anoti ari kuenderera mberi nekutsvaga murwiri wekodzero uyu.

Gwaro rakaburitswa neChitatu nesangano remagweta, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, pamusoro penyaya iyi rinoti gwaro rakasvitswa nemapurisa kudare neMuvhuro svondo rapera rekuzivisa nezvekutsvaga kwawo VaDzamara rakangofanana nezvaakambonyora pekutanga.

Sangano iri rinoti gwaro remapurisa iri raive risina hudzamu hwekutsanangudza kuti vari kutsvaga nenzira ipi, uye kuti vakataura nani mukutsvaga kwavo VaDzamara.

Dare repamusoro rakapa mutongo wekuti mapurisa azivise nyika paanenge asvika mukutsvaga kwawo VaDzamara pakupera kwemasvondo maviri oga oga.

VaDzamara vakapambwa nevarume vasingazivikanwi musi wa 9 Kurume gore rino mumusha weveruzhinji weGlen View muHarare.

Kubva zuva iri kusvika pari nhasi, hapana kana ati aziva kuti varipi uye kuti vakapambwa nani.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaObert Gutu, vanoti vanhu vakaita izvi vasori vari muhurumende yeZanu PF.

VaGutu, avo vanoti vari kukurudzira vebato reZanu PF ava kuti varegerere VaDzamara sezvo mhuri yavo yavatarisirawo kuti vadzoke vari vapenyu.

Asi nhengo yeZanu PF, VaNick Mangwana, vanoti bato reMD- T harifaniri kumhanyira kupomera mhosva Zanu PF iro risina humbowo, uhwo hunonzi nemapurisa ari kuda kuti akwanise kuwana kuna VaDzamara.

VaMangwana vanoti bato raVaGutu harifanire kushandisa mukana wekutsakatika kwaVaDzamara mune zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG