Accessibility links

Breaking News

Crisis Yopa Mubairo weMari Kune Anoziva Kuna VaDzamara


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, rinoti raisa parutivi zviuru zviviri zvemadhora zvemari ichapihwa ani nani zvake ane ruzivo kune mukuru weOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzamara.

VaDzamara vapinda musvondo rechina pasina anoziva kwavari kubva zvavakapambwa mumusha weGlen View.

Mukuru wezvirongwa muCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNixon Nyikadzino, vanoti sangano ravo pamwe nemamwe masangano asati oda kubuda pachena pari zvino vaona zvakakodzera kuti vaise mari iyi senzira yekuti kana paine vari kutya kubuda pachena vasununguke kuita izvi.

Dare redzimhosva reHigh Court rakakurudzirawo mapurisa kuti ange achizivisa zvaari kuwana kubva mukutsvaga kwaari kuita VaDzamara mushure mesvondo mbiri dzoga-dzoga.

Asi zvinonzi kusvika pari zvino hapana zvati zvaitwa, izvo zvave kupa kuti sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rikwire kumatare richiti mapurisa ari kuzvidza mutongo wakapihwa nedare.

VaNyikadzino vanoti kana zvinhu zvikaramba zvakadai vachasvitsa nyaya iyi kumasangano eAfrican Union neSADC, ayo ari kutungamirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemhuri yekwaDzamara, VaPatson Dzamara, kuti tinzwewo kubva kumhuri pasvika nyaya yekutsvaga murwiri wekodzero uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG